Mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekurudzira kuratidzira zvinemhirizhonga munyika.
Asi VaSikhala vacharamba vari muchitokisi kusvika neMuvhuro apo pachanwikwa chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Muchuchisi wenyaya iyi, VaGarudzo Ziyadhuma, vati VaSikhala vakakurudzira mhirizhonga kuburikidza nemavhidhiyo avakaburitsa akaiswa pa social media. VaZiyadhuma vati VaSikhala vakati veruzhinji vanofanira kuratidzira vachiti zvinhu munyika hazvisi kufamba zvakanaka uye VaEmmerson Mnangagwa vatadza kutonga.
Asi rimwe remagweta aVaSikhala, VaEric Matinenga, vaudza dare kuti ikodzero dzaVaSikhala kutaura zvavanoda uye chero izvi zvichiitwa murunyararo.
VaMatinenga vati havasi kufara kuti hurumende haina kuvapa mavhidhiyo anoratidza zviri kunzi zvakataurwa naVaSikhala zvaita kuti vapomerwe mhosva yavave kupomerwa.
VaMatinenga vati VaSikhala vane kodzero dzekuita zvematongerwo enyika sezviri mubumbiro remitemo vachiti nyaya yaitaurwa naVaSikhala ndeyematongerwo enyika.
VaMatinenga vati mhosva iri kupomerwa VaSikhala haisi mhosva inokodzera kuti vaiswe pa remand saka nokudaro vakumbira dare kuti muchuchisi wenyaya iyi ashevedzwe kuti azoudza dare mhosva yaVaSikhala.
Mutongi panyaya iyi, VaLanzini Ncube, vati nyaya iyi idzoke mudare neMuvhuro sezvo nguva yanga yapera.
Zvichakadai, munyori mukuru muMDC Alliance, VaCharlton Hwende, vashora kusungwa kwaVaSikhala vachiti hurumende haisi kuda kuti bato ravo rirarame.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe pamire hurumende.
Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vambosungwa panze pematare vakaendeswa kukamba yeHarare Central asi vazoregedzwa pasina mhosva yavapomerwa.
Mapurisa anga akapata zvombo adzinga vatsigiri veMDC vanga vauya kuzonzwa nyaya yaVaSikhala. Mumwe wevatsigiri ava uyo angoda kudaidzwa kuti Madzibaba ati haasi kufara nekushungurudzwa kwaanoti kuri kuitwa VaSikhala.
VaSikhala, avo vakasungwa nezuro, ndeumwe wevanhu gumi nevana vakaziviswa nemapurisa panhepfenyuro kuti vari kutsvagwa.
VaSikhala vari kupomerwa mhosva imwe chete nemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pamwe nemutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume.
VaNgarivhume vakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nezuro uye Chin’ono ari kutarisira kupihwa mutongo wake neMuvhuro pachikumbiro chake chekuti atongwe achibva kumba.
Facebook Forum