Accessibility links

Breaking News

Kupinda muNational Assembly kwaMuzvare Thokozani Khupe Kwosimudza Mutauro


Thokozani Khupe MDCT- Swearing In
Thokozani Khupe MDCT- Swearing In

Vamwe vanoti kupinza vanhu muparamende vasina kunge vasarudzwa neveruzhinji kunokanganisa nyaya dzehutongo hwejekerere zvakanyanya, sezvo zvido zvevanhu zvisingazomirirwa zvakakwana.

Asi vamwe ndivo vanoti chero munhu anenge apinda muparamende ari pasi pebato rake, anosungirwa kutevera zvido zvebato iroro mukumirira kwake vanhu.

Mitauro iyi inotevera kupinda mudare reparamende kwenhengo itsva dzeMDC-T dzakatoreswa mhiko neChitatu, kusanganisira vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, pamwe nevamwe vavo gumi nevana, vachizadzisa zvigaro zve Proportional Representation zvakasara zvisina vanhu mushure mekudzingwa kwenhengo dzeMDC Alliance dzaive muparamende nebato reMDC-T.

Vakatoreswa mhiko yekuve mudare reparamende ndiMuzvare Khupe pamwe naAmai Memory Munochinzwa, January Moyo, Sipho Makone, Muzvare Yvonne Musarurwa naAmai Lwazi Sibanda.

Vakatoreswa mhiko yekuve maseneta ndaVaKalipani Phugeni, VaPiniel Denga, Chief Ndlovu, Amai Nomalanga Khumalo, VaTeti Chisorochengwe, Amai Gertrude Moyo, VaTamani Moyo pamwe naAmai Molly Dorothy Ndlovu.

Muzvare Khupe vakabva vasarudzwa semutungamiri wevanopikisa mudare reparamende, Opposition Leader of the House, izvo zvavaisa pamusoro penhengo dzeMDC Alliance dziri mudare iri, idzo dzange dzichitungamirwa muparamende naMuzvare Thabitha Khumalo, avo vakadzingwa mudare iri neMDC-T.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti nyika yakave nekushamisika nekwavanoti kubatwa chibharo kwebumbiro remitemo yenyika kuburikidza nekupinzwa muparamende kwevanhu vasina kusarudzwa nevanhu.

VaHlatywayo vanoti bato ravo harisi kuzobuda muparamende senzira yekupikisa kutoreswa mhiko kweveMDC-T ava, vachiti vachashanda zvakasimba sebato rinopikisa rinenge richipikisana neZanu PF yakabatana neMDC-T.

Asi munyori anoona nezvehupfumi muMDC-T, vachimirira Hatfield muparamende, Doctor Tapiwa Mashakada, vanoti hapana chakakanganiswa nebato ravo sezvo Zimbabwe Electoral Commission yakangotevera bumbiro remitemo yenyika, iro rinoti bato rinenge riine nhengo dzadzingwa muparamende ndiro rinodoma nhengo dzinozadzisa zvigaro izvi.

Doctor Mashakada vanoti hakuna bato rinonzi MDC Alliance, asi kuti mubatanidzwa wemapato manomwe, MDC-T chiri icho chibaba cheAlliance.

Vanoti hapana chichashanduka pamamiriro akaita zvinhu, kunyange hazvo vanhu vakachema zvakadii.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG