Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vokurudzira Nhaurirano Dzinopindwa neVamiriri Vose


Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora
Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC T riri kukurudzirawo kuti munyika muite nhaurirano ukuwo sangano remubatanidzwa wemachechi reZimbabwe Council of Churches richitiwo zvakakosha kuti munyika muitwe nhaurirano senzira yekugadzirisa matambudziko akasiyana siyana ari munyika.

Mumashoko avakabudisa mazuva mashoma apfuura padandemutande rebato ravo, mutungamiri webato reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vakati zvakakosha kuti munyka muve nenhaurirano dzinosanganisa vemapato ezvematongerwo enyika, vemasangano akazvimirira ega, vemakereke pamwe nevanhuwo zvavo senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

VaMwonzora vakati munyika mune kusagadzikana kwezvematongerwo enyika nekuda kwenhoroondo yekupikisana pamusoro pezvinobuda musarudzo, kusasununguka kweveruzhinji, uye huwori uho vakati huri kukonzera kusamira zvakanaka kwezvehupfumi, izvo vakati zvinogona kugadziriswa nenhaurirano idzi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC T, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vasati vataurirana nebato riri kutonga reZanu PF kana mamwewo mapato panyaya iyi, ichokwadi kuti bato ravo riri kutsigira nyaya yekuti munyika muve nenhaurirano.

Munyori wesangano reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth
Mtata, vanotiwo makereke akasiyana siyana ari pasi pesangano ravo ari
pakati pekuzeya gwaro rinopa hwaro hwekuti munyika muve nenhaurirano
iro vanoti vakapa kumapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira nevamwe vakasiyana-siyana.

Reverend Mtata vanotiwo vanoona zvakakosha kuti munyika muite
nhaurirano idzi sezvo dzinogona kubatsira kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo,
vaudza Studio7 kuti bato ravo rinoshamisika nemashoko ebato reMDC T
ekukurudzira nhaurirarno vachiti sekuziva kwavo makakatanwa aripo ari
pakati peZanu PF nebato ravo reMDC Alliance.

Mutauriri webato reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati havana
zvekutaura zvakawanda sezvo vasati vaona gwaro reZimbabwe
Council of Churches vakatiwo havanzwisisi kuti sangano iri rakawana
kupi simba rekuti rive iro rinoda kudeedzera kuti munyika muve
nenhaurirano.

Mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo
Lovemore Madhuku, vanoti kana nhaurirano dzichiitwa dzinofanirwa kuitwa
nemapato ose ezvematongerwo enyika kwete kuti dziitwe
pakati pemapato maviri chete vachitiwo pagara pane mapato aripo ari
pasi pemubatanidzwa wePolitical Actors Dialogue.

Mukuru weMedia Centre uye vari muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira, VaErnest Mudzengi, vanoti pane mukana wekuti
nhaurirano dzivepo munyika asi vachitiwo zvakakosha kuti nhaurirano idzi
dzibatanidze vanhu vose.

Zimbabwe ine nhoroondo yenhaurirano yakakura inodzokera
kunguva iyo nyika isati yawana kuzvitonga asi pari zvino vamwe vanoti
nhaurirano dzakadai hadzina zvakawanda zvadziri kukwanisa kugadzirisa
nekuti bato riri kutonga reZanu PF rinoramba riine masimba ekuti
rirambe riri iro rinotonga nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG