Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Kugarisana Zvakanaka Munyika Ndiwo Mushonga Unopedza Zvirango


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Vachitaura vari muurwendo rwavo mudunhu reMashonaland West, mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vati nyaya yeongororo yezvirango zvakatemerwa nyika iri kuitwa nemumiriri weUnited Nations kutungana kwembudzi.

VaChamisa, avo vari kushanya mudunhu iri kwemazuva matatu kusvika
mangwana, vati hurongwa hweUnited Nations hwekutuma Amai Alena Douhan kuzoongorora zvakadzama zviri kukonzerwa nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira kutungana kwembudzi vachiti zvinhu zvinofanirwa kugadziriswa munyika nevagari vayo.

VaChamisa vati United Nations haigone kubvisa zvirango asi
vakazviisa nekudaro zviri nani kutaura navo.

VaChamisa vati dambudziko riri munyika kusawirirana, ruvengo,
mhirizhonga nekutyorwa kwekodzero dzevanhu vachiti izvi zvikadziriswa,
zvirango zvinobviswa.

VaChamisa, avo vari muzuva ravo rechipiri mudunhu reMashonaland West
vati nhasi havana kusangana nemhirizhonga pavanga vachibvakachira
nzvimbo dzeHurungwe, Makonde neZvimba.

VaChamisa vati nyaya dziri kunyanya kubuda muvanhu inhamo yapfunya
chisero muvanhu, kushaikwa kwemabasa, kuvhundutsirwa kwevanhu munyaya dzezvematongerwo enyika, pamwe nekushaikwa kwemari munyika.

VaChamisa vari kupeta rwendo rwavo mudunhu reMashonaland West mangwana apo vachashanyira Chegutu neMhondoro.

Mukuru wePlatform for Youth Development, VaClarisa Madhuku, vanoti
nyaya yezvirango haisi kushanda sezvo vakatemerwa zvirango vasiri
kukanganiswa mararamiro avo.

Zanu PF inoti tambura nemaoko ose gwaro raburitswa nenhumwa yeUnited Nations riri kukurudzira kuti zvirango zvibviswe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG