Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti MDC Alliance Icharakasha VaMnangagwa neZanu PF Yavo neMuvhuro


Nelson Chamisa leader of the Movement for Democratic Change (MDC) Alliance, speaks to reporters, July 25, 2018, in Harare. He says he is confident of victory in the July 30 election despite what he says is the Zimbabwe Electoral Commission's design of the

Mutungamiri weMDCAlliance, VaNelson Chamisa, vanoti vari kukunda zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika, uye mubatanidzwa wavo uchakundawo musarudzo dzenhengo dzeparamende pamwe nedzemakanzura.

VaChamisa, avo vaita musangano wapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu vakawanda zvikuru muHarare, vati Muvhuro uri kuuya uchavhura mikana yakawanda kune veruzhinji munyika.

Vati vari kutarisira kuvaka hurumende inotungamira vanhu, kwete kutonga vanhu nekuti vanhu vemuZimbabwe havana kupara mhosva dzekuti vatongwe.

VaChamisa vatiwo vari kufara zvikuru kunzwa mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti vachatambira zvichabuda musarudzo.

Vati VaMnangagwa munhu ari kuziva kuti ari kukundwa musarudzo izvo zviri kupa kuti vagare vakazivisa nyika kuti vachagamuchira kukundwa kwavo pamwe nekukundwa kwebato ravo musarudzo dzichaitwa neMuvhuro.

Vachipindura mubvunzo wekuti vachatambira here kukundwa, VaChamisa vati pasvika zvinhu munyika hazviite kuti vakundwe nekuti vanhu varamba kutungamirwa neZanu PF uye chasara chete kuenda kunoibvisa nevhoti nemusi weMuvhuro.

VaChamisa vati vachashanda zvakasimba muZimbabwe itsva kuitira kuti munhu wese, zvisineyi kuti ndewebato ripi, ave nehupenyu hwakanaka.

Vazivisawo veruzhinji kuti yasvika nguva yekuti VaMnangagwa vachizorora, nekuti pavo pakwana.

VaChamisa vatora mukana uyu kukurudzira vari kunze kwenyika kuti vakurudzire hama dzavo dziri kumusha kuti dzinovhota nehuwandu hwadzo hwese kuitira kuti shanduko iveko nemusi weMuvhuro.

Vanhu vemuZimbabwe vari kuvhota neMuvhuro musarudzo dziri kunzi dzichange dziine mutsindo pakati paVaMnangagwa naVaChamisa, kunyange hazvo paine vamwe vanhu vakawanda vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG