Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waVaTsvangirai Unosvika muHarare


Morgan Tsvangirai
Morgan Tsvangirai

Mutumbi wemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, wasvika muHarare uchibva kuSouth Africa uko vakashayikira nemusi weChitatu mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Zviuru nezviuru zvevanhu, zvikuru vatsigiri veMDC, kusanganisira amai vaVaTsvangirai, vaungana panhandare huru yendege muHarare vachitambira mutumbi waVaTsvangirai.

Pawasvika muHarare, mutumbi uyu wabva waendeswa kuOne Commando One Barracks, pachitevedzerwa gwara rinoshandiswa nehurumende pose panofa mukuru mukuru muuhurumende.

VaTsvangirai vari kubatsirwa nehurumende sezvo vari munhu akamboshanda semutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa yakaitwa muna 2009 kusvika muna 2013.

Vachitaura nevatori venhau vari pamba pemukoma wavo kuHighlands, munin'ina waVaTsvangirai, VaManase Tsvangirai, vati vanhu vachaita munamato pamba paVaTsvangirai neMugovera manheru, uye mumwe munamato uchaiitirwa. kuMabelreign neSvondo.

Mutumbi waVaTsvangirai unonzi uchapfuura nepaHarvest House neSvondo masikati, apo vanhu vachawana mukana wekuonekana nawo.

VaTsvangirai, avo vanga vachisvitsa makore makumi matanhatu mwedzi unouya, vanotarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kuBuhera nemusi weChipiri.

VaTsvangirai vasiya mudzimai, Elizabeth Macheka Tsvangirai, vana nevazukuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG