Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vachavandudza Hupfumi hweNyika Kana Vakasarudzwa Kutungamira Nyika


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vacharwisa zvikuru nyaya yehuori, kupa simba kumatunhu pamwe nekuvandudza hupfumi hwenyika kana vachinge vakunda musarudzo dzegore rino.

Vachitaura muChinhoyi pamberi pevanhu vanga vachisvika zviuru zvishanu VaChamisa vati vacharwisa nyaya yehuori zvakasimba sezvo yadzosera hupfumi kumashure.

VaChamisa vati vatungamiri vose vemuhurumende vanofanirwa kutaurira nyika hupfumi hwavaho sedanho rekutanga kupedza huori.

VaChamisa vati chimwe chinhu chavachashandura kana vakavhoterwa kuti matunhu ave nesimba kwete kuti vatongwe kubva kuguta guru reHarare sezviri kuitika parizvino.

Vachitaurawo pamusangano uyu mutungamiri wePeople’s Democratic Party, PDP, VaTendai Biti, vati sarudzo dzegore rino ndedzekushandura zvinhu zvakawanda zvinosanganisira hupfumi hwenyika.

VaBiti vati hurumende yeMDC Alliance ichaumba hupfumi hwenyika kusvika pamadhora mabhiriyoni zana mukati memakore manomwe izvo zvichaunza mabasa akawanda munyika.

VaChamisa vati havasi kuzopinda musarudzo vasingazive kuti ndiyani achagadzira mapepa ekuvhotera uye kuti mapepa mangani anenge agadzirwa.

VaChamisa vati ivo nevamwe vavo havasi kuzobvuma kuti mapepa ekuvhotera agadzirwe nemakambani ekunyika yeIsrael kana kuChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG