Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Mhirizhonga Haimisi Hurongwa Hwavo hweKupinda Muvanhu


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Mhirizhonga yaitika nhasi kuHurungwe mudunhu reMashonaland West uko kuri kushanya mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

VaChamisa vati vatambirwa zvakanaka kunzvimbo dzinoti St Boneface,
Nhari neBirimabwe asi pazoitika mhirizhonga pakupedzisira kuZvipani
neMagunje.

VaChamisa vati nhengo dzeZanu PF dzanga dzakaisa matanda mumigwagwa pamwe dzichida kurova vanhu.

VaChamisa vati zvinoshamisa kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson
Mnangagwa, vanoregedza mhirizhonga ichitwa nenhengo dzebato ravo.

VaChamisa vati kana iri nyaya yezvirango yavari kuchema nayo, inyaya inoda kuti patauriranwe sezvo vati bato ravo richikwanisa kutaura nevakatemera zvirango kuti zvibviswe nekuti zvekutukana hazvishande.

Asi VaChamisa vati mhirizhonga haisi kuzovadzosera kumashure.

Asi munyori anoona nezvekuchangetedzwa mubato reZanu PF mudunhu
reMashonaland West, VaTommy Mwanza, vati nhengo dzebato ravo hadziite mhirizhonga vachiti nhengo dzeMDC Alliance ndidzo dziri kupfeka nhumbi dzebato ravo dzichikonzera mhirizhonga senzira yekusvibisa zita rebato ravo.

Dzimwe nhengo dzebato reZanu PF dzaswera dzakagarira guyo sembwa
dzakamirira kuratidzira muBanket apo VaChamisa vanenge vachipfuura nemudhorobha iri.

Nhengo idzi dzaswera dzichimbeya Mbeya pedyo nepanga paine mapurisa anga achitarisa motokari dzose dzanga dzichipfuura nemuBanket.

Nhengo huru yeZanu PF muBanket, VaCrispen ‘Kadhoza’ Saidi, vati inhengo dzavo dziri kuda kuratidzira nyaya yezvirango kwete
kudzivirira VaChamisa.

VaSaidi vati havasi kutziva kuti VaChamisa vane rwendo mudunhu
reMashonaland West uye bato ravo harineyi nerwendo rwaVaChamisa.

Imwe nhengo yeMDC Alliance muChinhoyi, VaTendai Musonza, vati kuvharwa kuri kuitwa migwagwa nemapurisa pamwe nenhengo dzeZanu PF kunoratidza kupererwa.

VaChamisa vane hurongwa hwekufamba mumatunhu ose munyika
vachisangana nenhengo dzavo pamwe nevanhuwo zvavo vachiona mamiriro akaita zvinhu munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG