Vakasanobata chigaro chemutungamiri weMDC–T, Muzvare Thokozani Khupe, nevamwe vavo vanodarika gumi vagadzwa senhengo dzeparamende dzisangavhoterwe, Proportional Representation, zvichitevera kudzingwa kwenhengo dzeparamende dzeMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.
Vatora mhiko dzekuve nhengo dzeNational Assembly ndi Muzvare Khupe, Yvonne Musarurwa, Moyo Lindani Sawuke January, Munochinzwa Memory, Sibanda Lwazi naMokone Sipho.
Vatora mhiko mudare reSenate ndiAmai Dorothy Molly Ndhlovu, VaPhugeni Khaliphani, Amai Tamani Moyo, Amai Getrude Moyo, VaPiniel Denga, Chief Ndlovu, Nomakanga Khumalo naTeti Chisorochengwe.
Vachitaura mushure mekutora mhiko, Muzvare Khupe vati vauya kuparamende kuti vazoshandira nyika.
Mutauriri waMuzvare Khupe, VaPhugeni, avo vatora mhiko kudare reSenate, vati vachashanda zvakasimba kuti veruzhinji vaone musiyano pakati pavo nenhengo dzakadzingwa mudare.
Seneta Denga vati chiitiko chanhasi chagadzirisa zvakange zvakakanganisika mubato ravo.
Patavabvunza kuti vanonzwasei nevamwe vanhu vanoti vapinda muparamende nzira isina kunaka, VaDenga vati ivo pachavo vanokodzera kuve mudare iri nekuti vakashanda zvakasimba musarudzo dza2018.
Zvichakadai mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora zvaitika vachiti hazvicherechedzi.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kupinda kwaita Muzvare Khupe muNational Assembly, kwava kuita kuti vasarudzwe nebato ravo kuve mutungamiri wemapato anopikisa muparamende, kana kuti Opposition Leader of the House.
Pane runyerekupe rwekuti MDC-T inogona kugara pasi neZanu PF poitwa mushandira pamwe senzira yekugadzirisa zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.
Kunyange hazvo tisina kunzwa divi raMuzvare Khupe panyaya yemushandirapamwe uri kutaurwa uyu, sachigaro veMDC-T, VaMorgan Komichi, vakaudza Studio7 svondo rapera kuti bato ravo rinoshuvira kuti hupenyu hwemunhu wese huve nani muZimbabwe sezvakamboitika munguva yehurumende yemubatanidzwa zvichitevera chibvumirano chekushanda pamwe chete chakaitwa namushakabvu Morgan Tsvangirai, muchakabvu Robert Mugabe pamwe naVaArgtur Mutambara.
Studio haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo vakafanobata chigaro chemutauriri webato iri, VaPatrick Chinamasa, vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.
Mune imwewo nyaya, mutauriri weNational Assembly, Advocate Jacod Mudenda,vazivisa kuti apo gore rave kupera, pane nhengo dzedare ravo zana nemakumi mana nembiri dzisati dzavanyorera kuti dzipihwe mari yekusimudzira matunhu adzinomirira yeConstiuency Development Fund.
Mari yeCDF inopihwa kunhengo mazana maviri nemgumi dzinovhoterwa muNational Assembly, uye Advocate Mudenda vati kunyange hazvo mari iyi iri shona, imari inogona kubatsira pabudiriro yematunhu.
Mubhajeti yegore rino yega yega inofanirwa kuwana zviuru mazana maviri zvemadhora emuno yekuitisa mabasa ebudiriro.
Facebook Forum