Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoti Mapurisa Ngaatange Abuda Pachena Vasati Vanozvipira Kwaari


VaJob Sikhala. (Photo: Mlondolozi Ndlovu)
VaJob Sikhala. (Photo: Mlondolozi Ndlovu)

Mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vanoti mapurisa haasi kutaura chokwadi panyaya yekuti ari kuda kuvasunga, sezvo mapurisa aya akaudza magweta avo kuti haasi kuvatsvaga, asi nekune rumwe rutivi, achiburitsa mashoko mumadandemutande pamwe nemudzinhepfenyuro achiti ari kuvatsvaka.

VaSikhala, avo vanova zvakare mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, vanoti havasi kuda kuzvipira kumapurisa kudzamara mapurisa abudira pachena kumagweta avo kuti vane mhosva yavakapara.

VaSikhala, avo vanoti vakasungwa kanaokwana makumi matanhatu nekana, asi vakawanikwa vasina kana mhosva imwe chete yavakapara, vanoti kana mapurisa akaudza magweta avo zviri pamutemo kuti vane mhosva yavakapara, vanoenda kunozvipira kumapurisa.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyati, vaudza Studio7 kuti vanga vapedza basa nokudaro havakwanisi kutaura nyaya dzebasa ivo vasiri pabasa. Vati vanozokwanisa kupindura mibvunzo yedu pamusoro paVaSikhala neChina kana vava pabasa.

Asi VaSikhala, avo vasina kuda kuzivisa kuti vari kupi, vanoti kunyange hazvo zviri kunzi vakahwanda, ivo pachavo havana kuhwanda sezvo vachiswera vari mumisha iri kumaruva kwavari vachitaura nevana veZimbabwe vari kuchemera kodzero dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG