Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoita Musangano kwaMurehwa, Nzvimbo Yagara Iri yeZanu PF


In this March 8, 2018 photo, the leader of MDC-T, Zimbabwe's biggest opposition party, Nelson Chamisa gestures during an interview with the Associated Press in Harare.

Mutungamiri we MDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano weMDC Alliance kwaMurehwa mudunhu reMashonaland East.

Musangano uyu wapindwa nevanhu vakawanda pakatariswa kuti Murehwa yagara iri nzvimbo yeZanu PF.

Vachitaura pamusangano uyu, VaChamisa vati hurumende yavo ichaona kuti matunhu ose asimudzirwa uye munhu achigara munyika zvine chiremera, pasina kumanikidzwa kuita zvinhu zvausingadi, izvo vati zviri kuitwa nehurumende yeZanu PF.

VaChamisa, avo vanga vachiratidza kufarirwa zvikuru nevanhu vekwaMurehwa, vatora mukana uyu kushora zviri kuitwa nehurumende yeZanu PF, zvekuisa masoja munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Vati muhurumende yavo kana vasarudzwa kuva mutungamiri wenyika, masoja achange ari pamutambara kede, achidya nyama agere kumabharaki avo, ukuwo mapurisa achiremekedzwa.

VaChamisa, avo vari kupinda mumatunhu vachikurudzira vatsigiri vemapato ari muMDC Alliance, vaperekedzwa kwaMurehwa nehutungamiri hwebato ravo, kusanganisira mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T, Engineer Elias Mudzuri, pamwe nevatungamiri vemapato ari mu MDC Alliance vanoti Va Welshman Ncube, Va Tendai Biti nevamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG