Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Hurumende yaVaMnangagwa Ndiyo Yakapamba Madzimai Matatu eBato Ravo


Mutungamiri weBato reMDC Advocate Nelson Chamisa Voshora Kushungurudzwa Kwenhengo Dzavo
Mutungamiri weBato reMDC Advocate Nelson Chamisa Voshora Kushungurudzwa Kwenhengo Dzavo

Mutungamiri webato guru rinopikisa munyika reMDC, Advocate Nelson Chamisa, vapomera hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa mhosva yekupamba nekubata chibharo madzimai matatu ebato ravo, ayo akapambwa marimwe zuro, asi akazowanikwa kuBindura nemusi weChina manheru.

Madzimai matatu aya, Muzvare Joana Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, audza hama dzawo kuti akabatwa chibharo mushure mekupambwa kuWarren Park, ndokubva azokandwa panzvimbo yemabhizimisi yeMuchapondwa kuBindura.

Vatatu ava vaudzawo hama dzavo kuti vakarohwa vakashungurudzwa zvakanyanya. Pari zvino vari kurapwa vari pane chimwe chipatara chiri muHarare.

Madzimai aya ashanyirwa nevabereki vavo nenhengo dzebato ravo kusanganisira VaChamisa, avo vaenda kunovaona kuchipatara uko vakachengetedzwa nemapurisa.

Johanna Mamombe taken to theatre
Johanna Mamombe taken to theatre

Vachitaura mushure mekuona vatatu ava, VaChamisa vati havana kufadzwa nezvavaona uye kushungurudzwa kwenhengo dzebato ravo kunofanira kupera.

VaChamisa vati vanoda kuti nyika dzemudunhu reSADC nepasi rese dzibatsire kupedza kushungurudzwa nekumbunyikidzwa kweveruzhinji munyika, sezvo hurumende yeZanu PF iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu.

Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu muMDC, Muzvare Mauareen Kademaunga, avo vaivepo pachikwata cheMDC chakanotora vatatu ava kuBindura, vati varwadzikana kunzwa kuti vatatu ava vakabatwa chibharo.

Baba vaMuzvare Chimbiri, VaHenry Chimbiri, vatiwo havana kufara nemabatirwa akaitwa mawana wavo uye vati ari kurwadziwa zvakanyanya zvekuti haasi kukwanisa kutaura zvakanaka.

VaChimbiri
VaChimbiri

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati vari kushushikana nemashoko ekuti vatatu ava vakapambwa.

Vatiwo mapurisa emuHarare ari kuda kubvunzurudza vatatu ava sezvo vakapara mutemo weNational Lockdown apo vakaratudzira kuWarren Park.

Vati nyaya iyi iri kuongororwa uye kana paine vakapara mhosva, vacharangwa sezvinodiwa nemutemo.

Mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi, vati mapurisa ari kuongorora kuti chii chakaitika kubva musi wa13 kusvika nhasi maererano nemafambiro evatatu ava kubvira pavakaratidzira kuWarren Park.

Police spokesman, Paul Nyathi
Police spokesman, Paul Nyathi

Vati mapurisa anoda kuziva kuti vatatu ava nevamwe vavo vakafamba sei uye kuti vatatu ava vazowanikwa kunzvimbo yemabhizimisi yeMuchapondwa kuBindura sei.

VaNyathi vati vane ruzivo nezvenyaya iyi vanofanira kuenda nehumbowo kuchiteshi chemapurisa chiripedyo navo.

Zvichakadai, VaNyathi vati mapurisa ari kushishikana zvikuru nekushandiswa kwemadandemutande kunyomba vashandi vehurumende vakati kuita izvi imhosva inosungisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG