Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vachakunda VaMnangagwa Musarudzo


Movement for Democratic Change (MDC) acting leader Nelson Chamisa addresses party supporters in Harare, Zimbabwe, Feb. 19, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vaita musangano wekutanga weMDC Alliance muKwekwe neMugovera.

Musangano uyu, uyo wapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu, waitirwa mumusha we Mbizo.

VaChamisa vanga vachiperekedzwa nevamwe vatungamiri vemapato ari muMDC Alliance vanoti Va Welshman Ncube, Va Jacob Ngarivhume Va Agrippa Mutambara nevamwe.

VaChamisa vati zvakakosha kuti mapato abatane musarudzo dziri kuitwa munyika.

VaChamisa vatiwo musangano wavo wekuMbizo unofanirwa kuenderera mberi zvakanaka, usingavhiringwe nemvura sezvakaitika svondo rapera kuMatabeleland.

VaChamisa, avo vakapihwa masimba neNational Council kuti vatungamire bato ravo reMDC-T, vazivisawo musangano uyu kuti vari kutaurirana nemumwe wavo, Muzvare Thokozani Khupe, kuitira kuti vagadzirise gakava riri pakati pavo kuitira kuti vapinde musarudzo vakabatana.

Muzvare Khupe vari kupikisa zvakaitwa neNational Council vachiti bato ravo raifanira kutevedzera zviri mubumbiro rebato kana mutungamiri webato asisipo.

Kunetsana kwevaviri ava kuri kukonzeresa mhirizhonga mubato iri. Kutaura kuno, pane vanhu gumi nevaviri vakabvisiswa mari yechibatiso muBulawayo mushure mekusungwa vaita zvemhirizhonga.

VaChamisa vati vari kufara kuti MDC yakatangwa muna 1999, ikapatsanuka kwemakore akawanda, yava kubatana zvakare rwendo rwuno. Vati apo MDC iri kubatana, Zanu PF iri kutsemuka nepakati nguva nenguva.

Vati vachakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo dzichaitwa munyika vachiti VaMnangagwa havana gwara rekuvandudza nyika kubva mumatope mairi.

VaChamisa, avo vanga vachiratidza kufarirwa nechaunga, vatora mukana uyu kuudza vanhu kuti Zanu PF, iyo vati yava mamvemve, haisiri iyo honzeri chete yematambudziko ari munyika. Vati chava kudiwa munyika kuti vanhu vave nepfungwa dzinopa nyika gwara rakanaka, kuitira kuti nyika ibudirire.

VaChamisa nevamwe vavo vari kutarisirwa kuita musangano weMDC Alliance muGweru neSvondo, uko vanhu vakawanda vari kutarisirwa kuungana zvakare kuMkoba stadium vachinzwa nezvehurongwa hwaVa Chamisa kana vakasarudzwa kutungamira hurumende musarudzo dzegore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG