Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Votaura Pamusoro peMutongo weDare


Job Sikhala In Masvingo Court

Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanoti havashamiswe nemutongo wavakapihwa nemusi weChishanu nemutongi wedare repamusoro kuMasvingo, VaGarainesu Mawadze, nokuti hapana mhosva yavakanga vapara.

Va Sikhala, avo vanova mumiriri we Zengeza West mudare re National Assembly, vanoti hazvaigona kuti vawanikwe vaine mhosva zvichitevera mashoko avo ekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachabviswa pachigaro gore ra 2023 risati rasvika.

VaSikhala vakasungwa muna Chikunguru gore rapera mushure mekunge vataura pamusangano wavakaita kuMasvingo vachiti VaMnangagwa vachabviswa pachigaro sarudzo dzinotevera dzisati dzaitwa.

Mushure mekuburitswa kwenyaya yezvavakataura murimwe bepanhau, VaSikhala vakadaidzwa nemapurisa musi 8 Chikunguru vachibvunzurudzwa nezvemashoko avakataura.

Vakabva vasungwa vachipomerwa zviri pamutemo mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika zvisiri pamutemo,

VaSikhala vakabvisiswa zviuru zvishanu zvemadhora emunyika semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Vakanziwo nyaya yavo yaizotongerwa kuMasvingo sezvo kuri iko kwakaparirwa mhosva yacho.

Vachipa mutongo wavo nemusi weChishanu, VaMawadze vakati hapana mhosva yakaparwa naVaSikhala kuburikidzwa nemashoko avanonzi vakataura pamusangano wavakaita gore rapera kuMasvingo kwakare.

Nepamusana pekuti vaipota vachienda kuMasvingo pose paipinda nyaya iyi mumatare, VaSikhala vanoti vakarasikirwa nemari yakawanda zvikuru, sezvo vaitadziswa kuita basa ravo segweta nepamusana penguva yavapedzera panyaya yavanga vakatarisana nayo

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG