Accessibility links

Breaking News

Bato Idzva rePatriotic Zimbabwe Roshaya Chivimbo neMashoko aVaShava


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Bato idzva rezvematongerwo enyika, rePatriotic Zimbabwe, rinoti mashoko akataurwa negurukota idzva rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, ekuti bazi ravo richashanda pamwe chete nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi nemagariro, akanaka chose asi harioni paine chinobuda.

VaShava vakataura mashoko aya neChipiri vachitanga basa, vachiti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vari kumirira nyika munyika dzavari, nekudaro hurumende inofanirwa kuwedzera kudyidzana nekushanda pamwe nevanhu ava kuitira kuti nyika ibatsirike.

Vakatiwo bazi ravo richashanda zvakasimba mukudyidzana navo kuitira kuti nyika ibatsirike kubva kuvamiriri venyika ava.

Asi munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato rePatriotic Zimbabwe, VaPishai Muchauraya, vanoti havaoni paine chinoshanduka sezvo mashoko akataurwa naVaShava aya agara achingotaurwa naani nani zvake anenge atora chigaro chegurukota mubazi iri asi pasina chinozoshanduka.

Vana veZimbabwe vari kunze vanonzi vari kubatsira zvakanyanya mune zvehupfumi hwenyika kuburikidza nemari dzavanotumira kumusha.

Asi vanonyunyuta kuti hurumende iri kuvabata nekunze kweruoko kana yave nguva yekuvhhota, sezvo vasiri kubvumidzwa kuvhota vari munyika dzavagere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG