Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Oita Maonero Akasiyana paMhirizhonga Iri Kuitika paMisangano yeMDC Alliance


Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa

Zvichitevera mhirizhonga iri kuitika pane mimwe misangano yebato rinopikisa reMDC Alliance, mamwe mapato anopikisa ataura neStudio 7 ane maonero akasiyana.

Misangano yeMDC Alliance yakaitwa kwaCharumbira nekwaChivi mudunhu reMasvingo haina kufamba zvakanaka mushure mekunge vanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vanzi vakatema nematombo motokari dzevatsigiri vebato reMDC Alliance kwaCharumbira, uye kuisa matanda nematombo mumigwagwa kwaChivi.

MDC Alliance inoti, nemusi weChina vatsigiri veZanu-PF vakavhara migwagwa nekurambidza kupfuura kwedzimotokari nevanhu paMupandawana, kwaGutu, vakarova nekupamba dzimwer nhengo dzeMDC Alliance dzakange dzaita musangano nemutungamiri webato rinopikisa iri VaNelson Chamisa.

Pakatanga mhirizhonga pamisangano yeMDC Alliance svondo rino, mutauriri wemutungamiri webato reMDC-T VaDouglas Mwonzora, VaLloyd Damba, vakaudza Studio 7 kuti bato ravo haritauri pamusoro pezvinoitika mukati memamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Mutungamiri webato rinopikisa, reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, havana kupindura mubvunzo wedu wemaonero avo nyaya yemhirizhonga pamisangano yezvematongerwo enyika.

Asi mutungamiri webato reLabour Economists And Afrikan Democrats, (LEAD), Muzvare Linda Masarira, vanoti hazvisi pachena kuti ari kukonzera mhirizhonga ndiani, pakati pebato reZanu-PF nereMDC Alliance.

Muzvare Masarira vanoti chavanoziva ndechekuti vana veZimbabwe vaneta nezvekurwisana pachavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato reZimbabwe African People’s Union (ZAPU), VaEphithule Thembani Maphosa, vanoti nyaya yemhirizhonga yakagara ichishandiswa pavanhu vemuZimbabwe kubva zvawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere muna 1980.

VaMaphosa vanoti maronda akakonzerwa nevatsigiri veZanu-PF muvanhu kwemakore ose aya haasati apora, vachiti bato reZanu-PF rinoramba richishungurudza vanhu varinofanirwa kuva richichengeta nekubatsira.

Vanoti bato ravo, reZAPU, rinoshungurudzwa zvikuru nekuramba richiona mhirizhonga ichiitika munyika, zvikuru pamagungano ekutaura zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvose zvemhirizhonga inonzi iri kukonzerwa nevatsigiri vebato ravo ndezvekuda kusvibisa zita renyika nhumwa yeUnited Nations isati yasvika munyika neMuvhuro kuzoongorora kuti zvirango zvakatemerwa nyika zvakakonzera matambudziko akadini muvanhu.

VaMugwadi vaudza Studio 7 kuti VaChamisa vanomanikidza vanhu kumisangano yavo, vachiti VaChamisa vakaridzira pfuti vanhu vakanga vasingadi kunzwa vachitaura vachivamanikidza kuti vanzwe zvavaida kutaura zvinova zvakakonzera mhirizhonga pamusangano wavo.

VaMugwadi vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakanga vari kwaMutoko neChina uko vakaita misangano yavo nevanhu pasina mhirizhonga nekuti vanhu vakauya vega, kwete kumanikidzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG