Accessibility links

Breaking News

MDC USA Inoratidzira kuUNGA muNew York


TRUMP UNGA

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yaratidzira muNew York uko kuri kuitirwa musangano weUnited Nations General Assembly, UNGA.

Sachigaro weMDC USA, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti chinangwa chekuratidzira kwavo change chiri chekuudza pasi rose kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimbabwe.

Zvidzai Ruzvidzo
Zvidzai Ruzvidzo

VaRuzvidzo vanoti sekuziva kwavo, sarudzo yemutungamiri wenyika yakahwinhwa naVaChamisa kunyange hazvo Zimbabwe Electoral Commission pamwe nedare reConstitutional Court zvakati VaMnangagwa ndivo vakanga vakunda.

VaRuzvidzo vanoti vatsigiri veMDC vabva kumatunhu akasiyana siyana muAmerica kuitira kuti vabatane mukuratidzira uku muNew York.

Kuratidzira uku kunoitika VaMnangagwa vadzokera kumusha zvichitevera kutaura kwavakaita pamberi peUNGA kekutanga semutungamiri wenyika nemusi weChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG