Accessibility links

Breaking News

VaJacob Mafume naVaStewart Mutizwa Vodhonzerana Chigaro chaMeya weHarare?


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Zvinhu zvaita manyama amire nerongo mukanzuru yeHarare zvichitevera makakatanwa ari pakati pameya veguta iri vakambomiswa basa, VaJacob Mafume, avo vakadzoka pabasa nevakafanobata chigaro chameya, VaStewart Mutizwa, avo vari kuti ndivo vachiri panyanga.

Svondo rino kanzuru iyi yakatadza kaviri kuita misangano miviri nekuda kwemakakatanwa aya.

VaMafume, avo vakambomiswa basa gore rapfuura vaudza Studio 7 kuti vakadzoka kubasa svondo rapfuura uye hapana makakatanwa aripo sezvo vari ivo vakasarudzwa kuve meya weHarare.

Vati vakadzoka kubasa mushure mekunge nguva yavo yavakamiswa basa yemazuva makumi mana nemashanu yapera.

Asi VaMutizwa vaudza Studio 7 kuti ndivo vachakabata matomu sameya weHarare sesvo vasati vatambira magwaro anoti VaMafume vadzoka kubasa.

Vaenderera mberi vachiti ichokwadi kuti musangano waifanira kuitwa zuro weFull Council wakatadza kuenderera mberi sezvo mamwe makanzura aitya kuti vaigona kupinda munataisireva kana vakapinda mumusangano watungamirirwa naVaMafume.

Asi VaMafume vati musangano uyu wakatadza kuenderera mberi nekuti waiitwa pandandemutande uye mamwe makanzura akatadza kupinda pandandemutande uye nyaya iyi yagadziriswa zvekuti musangano uyu uchaitwa nguva ipi zvayo svondo rinouuya.

Mutauriri wekanzuru, VaMichale Chideme, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti musangano uyu wakatadza kuitika nekuti masaisai emadandemutande aiinetsa izvo zvakaitia kuti makanzura akapinda atadze kusvika pachikamu chinodiwa kuti musangano uenderere mberi.

Tabvunza munyori anoona nezvematunhu nemadhorobha, VaSesil Zvidzai, kuti ndiyani meya weHarare vakati pamutemo, VaMafume ndivo meya sezvo nguva yavange vakamiswa basa yakapera.

Vati zvaifanira kuitwa naVaMoyo kudoma komiti yakazvimirira yaifanira kuongorora nyaya yaVaMafume uye kutadza kwakaita VaMoyo kuita izvi kunoreva kuti VaMafume havachina nyaya uye vanofanira kuenderera mberi nebasa revanhu.

Vanongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, Dr Wellinton Gadzikwa, vaudza Studio 7 kuti MDC Alliance inofanira kugadzirisa nyaya dzayo kuitira kuti isaite mameya maviri muHarare sezviri kuitika pari zvino.

VaMafume vakambomisa basa gore rapera mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekupa hanzvadzi yavo nzvimbo yekuvakira imba vasingatevedze gwara rekanzuru. Nyaya yavo ichiri kumatare edzimhosva.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMoyo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG