Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMauto Ari Mumigwagwa Yotaurwa Muparamende


MuParliament ye Zimbabwe
MuParliament ye Zimbabwe

Vanokokera nhengo dzebato rinopikisa reMDC – T mudare reNational Assembly, VaInnocent Gonese, vaudza dare kuti kupinda mumigwagwa kwemauto achishanda nemapurisa kuri kuitika pari zvino kunogona kunge kuri kunze kwemutemo sezvo mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vasina kuzivisa nyika sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaGonese vati kunyange hazvo mapurisa nemauto akaziviswa svondo rapfuura kuti achange ave kushanda pamwe chete, VaGonese vati mutungamiri wenyika anosungirwa nemutemo kuti azivise vanhu chikonzero chekuti sei mapurisa ari kubatsirwa nemasoja pabasa rawo.

Vanoti ibasa reparamende kubvunza kuti VaMnangagwa vakaita zvanosungirwa nemutemo here kana kuti kwete.

VaGonese vati izvi zvaigona kuitwa nechiviso kana kuti General Notice and Statutory Instrument mugwaro rehurumende reGovernment Gazzette.

Mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, vavimbisa VaGonese kuti vachatura naVaMnangagwa pamusoro penyaya iyi vagozivisa dare zvavanenge vaudzwa.

Zvimwe zvikamu zveSection 213 zvinotaura kuti mutungamiri wenyika ndiye ane mvumo yekupa mauto basa rekuita uye rimwe remabasa aya rinosanganisira kubatsira mapurisa mukuchengetedza runyararo.

Zvichakadai, mamwe makurukota matsva akagadzwa svondo rino atanga kupindura mibvunzo muparamende nhasi uye gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, ndivo vabvunzwa mibvunzo yakawanda kudarika vese.

Vachipundura mibvunzvo, VaShiri vati hurumende iri kuedza napose painogona kuti chirongwa cheCommand Agriculture nezvimwe zvekubatsira varimi zvibudirire mwaka uno.

Vanomirira Harare Central, VaMurisi Zwizwai, vabvunzawo kuti hurumende ichaita sei venhu vari kunyimwa mbeu nezvimwe.

Asi VaShiri, avo vati vange vagara vari muzvirongwa zvakaita seCommand Agriculture vati hapana zvematongerwo enyika pazvirongwa izvi.

Vanomirira Kuwadzana East, VaNelson Chamisa, vange vachidawo kuziva kuti hurumende ichaita sei nenyaya dzemapurisa anongomira pese pese mumigwwagwa achitorera vanhu mari.

Gurukota rezvemukati menyika, VaObert Mpofu, vati mangwana chaiwo vari kusangana nevakuru vakuru vemapurisa kubva kumatunhu ese munyika kuti vagadzirise nyaya iyi.

Zvikchakadai gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vazivisa kuti mangwana vachizvisa dare matanho ari kutorwa neveZimbabwe Electoral Commission kugadzirisa matambudziko ari kusangana nevanhu pakunyoresa kuvhota.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG