Accessibility links

Breaking News

MDC Yokurudzira Kushandiswa kweMari yekuSouth Africa Kwete Bond Note


mashakada
mashakada

Paramende yatanga neChipiri kuzeya kuoma kwaita zvinhu munyika bato guru rinopikisa reMDC richiti nyika inofanira kusiyana nekushandisa mari ye bond note, yoshandisa mari yekuSouth Africa senzira yekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi munyika.

Nyaya iyi yakwidzwa mudare reNational Assembly nemunyori anoona nezvenyaya dzehupfumi muMDC, zvakare vachimirira Hatfield mudare iri, Doctor Tapiwa Mashakada, avo vati hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka uye zviri kukonzerwa nekuti hurumende iripo haina kuna zano rekuti yogadzirisa dambudziko iri sei.

Vati kusamira zvakanaka munyaya dzehupfumi kuri konzerwa nemaitiro ehurumende akaita sekuramba ichishandisa mabhondi noti, kukwereta mari mari kubva kubhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe zviri kunze kwemutemo, kushandisa mari zvisina mwero pamwe nekusava nemitemo yakanaka yekukwezva vemabhizimisi kuti vazosime mari dzavo munyika.

VaMashakada vati zvichitevera kukwira nekushaikwa kwave kuita zvinhu munyika nekuda kwekusagutsikana kweverezhinji nemabhizimisi nemari iri kushandiswa pari zvino, hurumende inofanira kurasa mabhondi yotanga kushandisa mari yekuSouth Africa sezvo iri iyo nyika inoita bhizimisi neZimbabwe zvakanyanya.

Vati izvi zvinhu zvinoita kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzehupfumi nechimbi chimbi nyika ichitora mamwe matanho akawanda ekugadzirisa hupfumi.

Vati panofanira kuva nemutemo wekukwezva vemabhizimisi pamwewo negwara rekuti nyika yogadzirisa nyaya yezvikwereti sei kuitira kuti ikwanise kuwana rubatsiro rwemari nezvikwereti zvekusimudzira hupfumi hwavo.

Vati havabvumirani nemaonero aGavhuna webhanga guru, Doctor John Mangudya, negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, ekuti hupfumi hwave kutanga kusimuka zvekare.

Vakurudzira nhengo dzeparamende kuti dzimise hurumende kuramba ichikwereta kubva kuRBZ nemamwe masangano zviri kunze kwemutemo vachiti inofanira kupihwa mvumo yekuita izvi isati yakwereta.

Vachitsigira nyaya iyi, mumiriri weHarare East zvakare vari mutevedzeri wasachigaro muMDC, VaTendai Biti, vati hurumende inofanira kuzvidzora pamashandisiro ainoita mari uye inofanira kubuda pachena kuti mari chaiyo iri kushanda munyika ndepi.

Vati vanobvumirana naVaMashakada kuti nyika ngaishandise maRands.

Vatiwo veruzhinji vanoda kuvimbiswa kuti mari dzavo dziri mumabhanga dzakachengetedzeka uye kuti hadzizonyangarike sezvakaitike muna2007 na2008.

VaBiti vatiwo zvese zviri kuitika zvine chekuita nenyaya dzesarudzo, vachiti kunyange Zanu PF yakabira sarudzo yave kutadza kuita chikiribi chayo mukugadzirisa hupfumi.

Mumiriri weBuhera South, VaJoseph Chinotimba veZanu PF, vati zviri pachena kuti pane vanhu vari kuda kuona vanhu vachitambura uye vanhu ivava ndivo vari kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu.

Kubvira zvakaparurwa hurongwa kwemashandisirwo emari hweMonetary Policy naVaMangudya pamwe nekutarwa kwemimwe mitero mitsva naVaNcube svondo rapfuura, mitengo yezvinhu iri kukwira kaviri kana katatu pazuva sezvaiitika muna 2008 uye zvimwe zvinhu zvave kushaikwa muzvitoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG