Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yokurudzira Runyararo Munyika


MDC-T supporters
MDC-T supporters

Bato rinopikisa reMDC inmotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti kunyange hazvo risingatsigiri kutorwa kwemasimba nechisimba, rinofara kuti munyika makanyarara sezvo mauto asina kuita sezvinoitika kune dzimwe nyika zvekudeurwa kweropa uye kuparadzwa kwemabhizimusi.

Mashoko eMDC-T anouya zvichitevera kutora masimba kwakaita mauto achiti anoda kubvisa nhubu dzakakomberedza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vanoti vanhu vaita mabasa avo zvisina dambudziko zvicitevera kutorwa kwemasimba nemauto.

VaGutu vanoti sebato rinoremekedza bumbiro remitemo yenyika, vanokurudzira runyararo, zvikuru kuvatsigiri vavo, pamwe nevemamwe mapato ose ari munyika munguva yakaoma yakadai.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG