Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaNelson Chamisa Yopikisa Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo yeNyika


Innocent Gonese

Munyori anoona nezvemitemo muMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa, Va Innocent Gonese, vanoti havasi kufara nehurongwa hwehurumende hwekuvandudza bumbiro remitemo yenyika.

Mashoko aVaGonese anouyawo mushure memusangano wakaitwa neChishanu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vavo mugungano rePolitical Actors Dialogue.

Sachigaro wekomiti yezvemitemo muPolitical Actors Dialogue, Professor Lovemore Madhuku, vakaudzawo VaMnangagwa kuti nhengo dzekomiti yavo hadzisi kufara nehurongwa hwehurumende hwe Constitutional Amendment Bill Number 2.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo nhare mbozha yavo, yanga ichinetsa kubata.

VaGonese vanoti bato ravo rakagara pasi rikabuda nechisungo chekuti harisi kuzotsigira zviri kurongwa kuitwa nehurumende yeZanu PF sezvo zvichitorera vanhu masimba achiendeswa kumunhu mumwe chete anova mutungamiri wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG