Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa riri kuita musangano waro wekutanga weNational Council neChishanu muHarare.
Musangano uyo uri kutarisirwa kuzeya nzira dzekuita nadzo misangano yekongiresi kubva kumatunhu maduku kusvika kumusangano mukuru wenyika yose.
Pari zvino MDC ine matunhu gumi nemaviri munyika, uye mamwe matunhu ari kunze kwenyika anoti United Kingdom, South Africa neNorth America.
Munyori mukuru weMDC, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano wavo ndiwo zvakare uchabuda nezuva rekuitwa kwemusangano mukuru wekongiresi, uyo uri kutarisirwa kuitwa gore rino.
Hutungamiri hwebato iri mumatunhu akawanda hunonzi hwatotanga kusoserana nzira hwuchiedza kuvharirana kunze, zvikuru pakusarudza vanhu vachakwikwidzana nemutungamiri webato iri, VaChamisa.
Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mubato iri, VaAmos Chibaya, vakaburitswa mumapepanhau vachiti VaChamisa hapana achavakwikwidza pakongiresi.
Asi VaMwonzora vanoti bato ravo harisati rabuda nenzira dzichateverwa pakudoma mazita evanhu vachakwikwidzana muzvigaro zvakasiyanasiyana, vachiti izvi zvinoitika chete mushure memusangano uyu.
VaMwonzora, avo vanova gweta, vanoti bumbiro remitemo yebato rinobvumidza munhu wese anenge adomwa kukwikwidza chinzvimbo chaanenge adomerwa nematunhu.
Mutemo webato unoti munhu wese anenge adomwa nedunhu rimwe chete zvichikwira, ane kodzero yekukwikwidza.
Facebook Forum