Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kweMhosva Kunovhurwa Nyika Ichikurudzirwa Kurwisa Huori


Bulawayo High Court
Bulawayo High Court

Mutevedzeri wemukuru wetatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vanoti zvakakosha kuti vatongi vematare nemamwe mapazi ose ane chekuita nemitemo kusanganisira bazi rezvemitemo, mapurisa, pamwe nemagweta, vave pamberi mukurwisa huwori munyika.

Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kwekotoro yekutanga yematare muBulawayo, VaMalaba vati zvakakosha kuti vebazi reJudicial Services Commission, kana kuti JSC, vashande pamwe nehurumende kuti pave nematanho akasimba mukurwisa huwori munyika.

VaMalaba vati huwori hunokanganisa veruzhinji kunyanya varombo kuti vawane kutongwa kwakanaka panyaya dzavanounza kumatare, vakati veJSC vari mushishi kushanda nemapurisa pamwe nehofisi yemuchuchisi mukuru, pakuita chibvumirano pamusoro pemabatirwo anofanirwa kuita nyaya dzine chekuita nehuwori.

VaMalaba vatiwo zvakakosha kuti vanhu vose vanenge vane nyaya kumatare vawane magweta anovamiririra uye kuti mari dzinobhadharwa kumatare epamusoro dzive dziri pasi kuitira kuti veruzhinji vakwanise kushandisa matare aya zviri nyore.

Mamwe magweta ataura neStudio 7 varumbidza mashoko avaMalaba.

Gweta, VaDumisani Dube, vati Justice Malaba zviri pachena kuti huwori huri kukanganisa zvakawanda munyika vakati Justice Malaba vagona pakusimbisa kuti huwori hurwiswe.

Mukuru mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaLizwe Jamela, kuchamhembe kwenyika vati semagweta anorwira kodzero dzevanhu sangano ravo rinotambira nemufaro mashoko aJustice Malaba ayo vati anoburitsa pachena kukosha kwakaita kuti veruzhinji vakwanise kuti nyaya dzavo dzinzwikwe mumatare pasina chinovhiringidza.

Kuvhurwa zviri pamutemo kwekotoro yematare uku kwatanga nekufora kwaitwa nemagweta ehurumende nevanoshanda vakazvimirira pamwe nevatongi vemumatare epasi nevamwewo vashandi vehurumende vanoshanda kumatare edzimhosva vachiperekedzwa neband reZimbabwe Prisons and Correctional Services.

Vamwe vagari vange vachiwona vati vafadzwa zvikuru nechiitiko ichi vachiti zvinobatsira kuti veruzhinji vazive mafambisirwo anoitwa zvematare emunyika.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG