Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Open Golf Tournament Yodzoka Kwapera Makore Maviri


Mutambo mukuru wegorofu munyika we Zimbabwe Open urikudzoka kwapera makore maviri usingaitwe.

Izvi zvaviswa nemukuru wekumahofisi eZimbabwe Open VaMichael Mahachi avo vati vari kutarisira kuti pachaitwa makundano aya vatsigiri vakawanda vanenge vave kutenderwa munhandare.

VaMahachi vanoti vatotanga hurukuro nevanovapa mari yemibairo yevatambi vachakunda mumakwikwi aya. Asi vabuda pachena kuti makwikwi aya haasi kuitwa muna Kubvumbi muno semakore ose asi munharaunda yechipiri yegore zvichienderana nemamiriro echirwere cheCovid 19.

Vati varikutaura neveSunshine Tour kuona kuti makundano aya achaitwa rinhi sezvo mimwe mitambo iri pasi pebazi iri yakatotanga kare.

Zimbabwe Open iri pasi peSunshine Tour iyo inobatanidza mitambo mikuru yegorofu kuchamhembe kweAfrica.

Muzinda weSunshine Tour uri muSouth Africa. Makwikwi egorofu eZimbabwe Open anoteverwa nechaunga kwete muZimbabwe chete asi munyika dzakawanda muAfrica.

Makore apfuura, makundano aya anga achiunganidza vatambi vane mukurumbira kusanganisira Vijay Singh wekuFiji naNick Price wemuZimbabwe avo vakambosvika pachinhanho che pamusoro-soro pasi rese cheworld number 1. Bryce Easton wekuSouth Africa ndiye ane mukombe uyu.

Gorofu nemimwe mitambo yakatenderwa kudzoka nehurumende mushure mekumbomiswa muna 2020 kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG