Accessibility links

Breaking News

ZimLive Yofushunyura Zvakavandika Nguva Yaipambwa VaMuchehiwa


Mduduzi Mathuthu
Mduduzi Mathuthu

Kambani yeImpala Car Rental, yaburitsa mashoko ekuti motokari yayo ndiyo yakashandiswa mukupambwa nekutochwa kwemuzukuru wemutori wenhau, Mduduzi Mathuthu, Va Tawanda Muchehiwa.

Mathuthu ndiye mupepeti webepanhau repadandemutande, reZimLive.

Vakuru vekambani iyi vaburitsa gwaro paTwitter vachiti havakwanisi havo kutaura kuti ndiyani akanga ahaya motokari iyi, uye kambani yavo ichashanda nemapurisa ari kuferefeta nyaya iyi kuitira kuti munhu akatyora mutemo arangwe nemitemo yenyika.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti sezvo VaMuchehiwa vakapambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori, kambani yeImpala inofanirwa kuzivisa veruzhinji kuti panguva yakapambwa VaMuchehiwa, motokari iyi yaiva mumaoko aani.

Asi kambani yeImpala Car Rental inoti ichashanda nemapurisa zviri pamutemo.

Hurumende yakaramba kuti VaMuchehiwa vakapambwa vakatochwa vari mumaoko emapurisa.

VaMuchehiwa vakapambwa musi 30 Chikunguru muguta reBulawayo vakakandwa mumotokari yemhando rwe Ford Ranger ndokunotochwa kwemazuva matatu.

Bepanhau reZimLive, iro ratanga kuburitsa nyaya iyi, rinoti motokari iyi yakadzoswa kukambani yeImpala muHarare musi Nyamavhuvhu 6.

VaMuchehiwa vakazosiyiwa vakandwa pakati pehusiku musi wa 1 Nyamavhuvhu panguva iyo mapurisa akanga akomekedzwa nedare redzimhosva kuti auye naVaMuchehiwa mudare mukati memaawa makumi manomwe nemaviri.

ZimLive yakawana mavhidhiyo anoratidza kupambwa kwakaitwa VaMuchehiwa ayo ari paCCTV yakawanikwa neZimLive ichida kuziva zvakaitika.

Kunyange hazvo Studio7 isina kuona mavhidhiyo aya, ZimLive inoti mavhidhiyo ayakawana anoratidza kupambwa kwakaitwa VaMuchehiwa nevarume vaive nezvombo, avo vakamuisa mumotokari yemhando yeIsuzu ndokufamba mamita anodarika zana ndokubva vamuiswa muFord Ranger, iyo inonzi imotokari yeImpala Car Rentals.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe nemunyori mubazi ravo, Va Nick Mangwana, vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Hatinawo kukwanisa kubata vakuru ve Impala Car Rental panguva iyo taenda pamhepo, asi ZimLive inoti mukuru weImpala, VaThompson Dondo, vati ichokwadi kuti motokari iyi yakahayiwa kwemazuva matanhatu kubva muna Chikunguru.

Vanonzi vaudzawo ZimLive kuti munhu anogara akahaya motokari iyi munhu avanogara vakaita naye bhizinesi achihaya motokari dzavo, vakati havakwanisi kuburitsa zita rake asi vachazivisa mapurisa

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudza Studio7 kuti vanga vasingakwanisi kutaura sezvo vanga vari mumusangano wakakosha vakati tivafonere kana vapedza musangano wavo.

Assistant Commissioner Paul Nyathi
Assistant Commissioner Paul Nyathi

Pavafonerwa neStudio7 tisati taenda pamhepo, VaNyathi vanga vasisadairi nharembozha yavo.

Murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti ve Impala Car Rental vanofanirwa kubuda pachena kuitira kuti munhu wese azive kuti ndiyani akahaya motokari yavo panguya yayakashandiswa kupamba VaMuchehiwa.

VaMavhinga vanoti kambani iyi haifanirwe kungopa zvainazvo kumapurisa chete nekuti zvakaitwa pana VaMuchehiwa zvinhu zvinotyora mitemo yenyika.

Dewa Mavhinga, the southern Africa director at Human Rights Watch, says Impala Car Rental should come clean and disclose who hired the vehicle used to abduct Muchehiwa
Dewa Mavhinga, the southern Africa director at Human Rights Watch, says Impala Car Rental should come clean and disclose who hired the vehicle used to abduct Muchehiwa

Vatiwo Impala Car Rental inofanirwa kuzvichenura kana iri kambani ine chido neveruzhinji kuitira kuti vanhu vagare vakavimba nayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG