Zviuru nezviuru zvevanhu zvaonekana nemuimbi aive nemukurumbira pasi rose, uye ari gamba renyika, Oliver “Tuku” Mtukudzi, uyo aradzikwa kumusha kwake ku Madziwa, mudunhu reMashonaland Central.
Mtukudzi, uyo akashaya neChitatu chapfuura kuAvenues Clinic muHarare, ndiye akave muimbi wekutanga kupiwa ruremekedzo rwegamba renyika, izvo zvaita kuti aradzikwe neruremekedzo rwepfuti dzaridzirwa mudenga.
Vamwe vevaonekana negamba renyika iri vanosanganisira vaimbi vakasiyanasiyana, makurukota ehurumende anoti gurukota rezvekurima VaPerrence Shiri, gurukota rezvehunyanzvi hwezvekuburitswa kwemashoko VaKazembe Kazembe, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa, pamwe negurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.
Mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa pamwe nameya weguta reHarare VaHerbert Gomba ndevamwe vevanhu vaonekana naMtukudzi.
Asi zvinonzi mauto pamwe nevasori vamboedza zvakare kurambidza VaChamisa kupinda pamusha apa, izvo zvinonzi zvazokonzera kuti vanhu vaputse gedhe. Mushure mekunge vazopinda, VaChamisa vanonzi havana kupiwa chiremera chekugara kuvanyarikani, izvo zvazoita kuti vange vakamira kusvika hurongwa hwose hwapera.
Vachitaura kuvanhu vaungana parufu apa, Amai Muchingurikashiri vati apo vanhu vaungana kuradzika pamwe nekupemberera hupenyu nenhaka zvegamba iri, Tuku anga ari mwana weZimbabwe akazvisimudzira kuve muimbi ane mukurumbira pasi rose.
“Nhasi taradzika mwana wevhu, airwira rusununguko rweAfrica. Kune vamwe anga ari murume, baba, mukoma sekuru, sahwira uye mudzidzisi. Taimuziva tose saTuku,” Amai Muchinguri-Kashiri vadaro.
Vatendawo kwazvo mabasa akaitwa naMtukudzi apo akanga ari munyarikani wesangano reUnicef.
Mtukudzi akagara achirwira kwazvo kuti vaimbi pamwe nevanoita zvemitambo varemekedzwewo sezvo vachisimudzira mureza wenyika.
Tuku akashaya ave nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa.
Mabhazi abatsira nekutakura vanhu kuenda kuMadziwa akarongwa nehurumende, vemakambani akazvimirira, pamwe nevamwe vanga vachibatsirawo nedzimotokari dzavo.
Facebook Forum