Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reChirwere cheRurindi Pasi Rose


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rechirwere cherurindi, kana kuti World TB Day, pahurongwa hwaitirwa kuDzivaresekwa muHarare.

Vachitaura pahurongwa hweWorld TB Day, gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vati vanhu vanofanirwa kubatana mukurwisa chirwere cherurindi icho chanetsa munyika.

VaParirenyatwa vati nzvimbo dzakaita seMatabeleland North, Matabeland South neguta reBulawayo ndidzo dzinonyanya kuwirwa nedambudziko rechirwere ichi.

Dr Parirenyatwa vatiwo chirwere ichi chakanyanya mumatunhu aya nokuti ari kumiganhu neSouth Africa, iyo ine vanhu vakawanda vane chirwere ichi.

Vati Zimbabwe iri kurwisa zvakasimba chirwere ichi kuburikidza nekurapa vanhu pasina mubhadharo.

Asi Dr Parirenyatwa vatiwo chirwere ichi chava kuramba kudaira mushonga, zvikuru kuvanhu vasingapedzi kunwa mishonga yavanenge vapihwa apo vanenge vachirapwa chirwere ichi.

Dr Wilbert Bara, avo vanoshanda mubazi rehutano mukanzuru yeHarare, vatiwo chirwere cherurinda chinonyanya kubata varume kudarika vakadzi.

Vatiwo chirwere ichi chakawanda munzvimbo dzakaita seGlenview, Budiriro, Hopley, Caledonia, Mbare nenzvimbo dziri kuHarare South.

Dr Bara vati makiriniki ekanzuru yeHarare ava kushandisa mishina mitsva inokurumidza kubata chirwere cherurindi.

Sangano reunited Nations rinoti vanhu zviuru zvina nemazana mashanu vanofa pazuva rega rega nechirwere cherurindi pasi rose. Dingindira rezuva iri gore rino rinoti “Wanted: Leaders for a TB-Free World."

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG