Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reVashandi Pasi Rose Vashandi Vayo Vachinyunyuta


ZCTU President Peter Mutasa
ZCTU President Peter Mutasa

Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rese nhasi mukucherechedza zuva revashandi reInternational Workers Day sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, richiti rarambidzwa nemapurisa kuita mhemberero dzaro muChitungwiza nemuHarare.

Vachitaura vari pamuzinda wesangano iri muHarare, mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vati mapurisa arambidza mhemberero dzeWorkers Day kuDzivaresekwa, Mbare neChitungwiza vachiti izvi zvinoratidza kuti hurumende inotya vanhu.

Vati Zimbabwe ndeimwe yenyika dziri pamusoro pakudzvinyirira vashandi pasi rese uye ichazeiwa kumisangano yeInternational Trade Union Conferderation pamwe neInternational Labour Organisation.

Mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vave kuziva kuti zvafamba sei kuti misangano yeZCTU irambadzwe.

VaMutasa vatiwo vatora zuva ranhasi kucherechedza makore makumi mana ZCTU yaumbwa.

Vatiwo vatarisa nzira yakafamba neZCTU kusvika pari zvino pamwe nekucheredzawo basa rakaitwa nevatungamiriri veZCTU vakaita sevashakabvu VaMorgan Tsvangirai naVaGibdon Sibanda.

Vatiwo vacharamba vachirwira kodzero dzevashandi kudzamara zvinhu zvakanaka. Vatiwo sangano ravo richaita zvematongerwo enyika nekuti vezvematongerwo enyika ndivo vari kudzvinyiria vashandi nekuvatambirisa mihoro isana zvainobatsira.

VaMutasa vatiwo denda rekuCovid-19 rakaratidza pachena kuti hurumende haina hurongwa hwekuchengetedza vashandi.

Asi mumashoko avo ekucherechedza International Workers Day, mutungamiriri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vatenda vashandi nebasa guru ravanoita vachiti vashandi vanofanira kudzivirirwa kubva kuCovid-19.

Vatiwo hurumende yavo inoda kuti vashandi vachengetedzwe pamwe nekubatwa zvakanaka vakakurudzirawo vashandi kuti vabatsire hurumende pakurwisa huwori.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanyora paTwitter yavo vachitiwo vanobatana nevashandi mukurwira kodzero munyaya dzehupfumi, zvematongerwo enyika pamwe nekuyananiswa kwezvinhu.

Vatiwo vanoremekedza vashandi avo vanoita kuti Zimbabwe ive chidadiso.

Asi vakurudzira kuti vashandi vabhadharwe nemadhora ekuAmerica, vachiti vashandi vanofanirwa kupihwa mihoro yakanaka uye inovafadza.

Mumashoko aro ekucherechedza zuva revashandi, bazi rinoona nezvevashandi ratenda basa guru rinoitwa nevashandi zvikuru sei vashandi vezvehutano panguva ino pasi rese rakatarisana nedenda reCovid-19.

Bazi iri rati Covid-19 yakaunza matambaudziko akawanda kuvashandi anosanganisira kurasikirwa nemabsa, kudzikira kwemihoro nezvimwe.

Mumwe mugari wemuHarare, VaPeter Magasi, avo vanozvishandira vati vanoda rutsigiro kubva kuhurumende kuitira kuti basa ravo rifambire mberi.

Mumashoko avo eInternational Workers Day, magweta anorwira kodzero dzevanhu ati hurumende nemakambani anofanirwa kuremekedza vashandi nekuvapa mihiro inogutsa.

Ati hurumende inofanira kuvandudza mitemo yevashandi kuitira kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika pamwe nezvimwe zviga zvinobata vashandi pasi rese zvakaita seILO Convention 190 of 2019 on Elimination Violence and Harrasment in the World of Work.

Magweta aya atiwo hurumende inofanira kuisa hwaro hwekutsigira vashandi vakarasikirwa nemabasa nekuda kweCovid-19 pamwe nekuona kuti vashandi vese vachengetedzwa kubva kudenda iri.

Zuva reInternational Workers Day rinocherechedzwa munyika zhinji pasi rese muwa 1 Chivabvu gore rega rega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG