Accessibility links

Breaking News

Zuva reHutano Rinocherechedzwa muZimbabwe


Portia Manangazira
Portia Manangazira

Sangano reWorld Heath Organisation rinoti pasi rese munhu wese anofanirwa kuwana kodzero yeutano.

Hurumende inoti izvi ndozvainoshuvirawo asi inokundikana nepamusana pezvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana.

Zimbabwe yacherechedza zuva reutano iro rinocherechedzwa musi wa7 Kubvumbi pasi rese veruzhinji vachichema chema nekusawana kodzero yehutano.

Vachitaura mushure memhemberero idzi, mukuru weChitungwiza Residents Trust, Amai Alice Kuvheya, vati kodzero yehutano iri kumbunyikidzwa izvo zviri kuita kuti varombo varasikirwe nehupenyu nguva isina kukwana.

Amai Kuvheya vati muzvipatara zvehurumende varwere vari kutengeswa zvese zvingadiwa pakurapwa.

Amai Plaxedes Tavengwa vati pamusoro pezvipatara zvisina zvikwanisiro, veruzhinji havachakoshesi hutsanana izvo zvinodzikisa hutano hwevanhu. Amai Tavengwa vatiwo vanofanirwa kusimudzira hutano munzvimbo dzinogara veruzhinji vakaita semakanzuru, vari kuisawo hutano hwevanhu parumananzombe.

Vanga vakamirira sangano reWorld Health Organisation, Doctor Prebo Barango, vati zvakakosha kuti vezvematongerwo enyika vakoshese hutano. VaBarango vatiwo kubvisa mari inobhadharwa muzvipatara kunogona kubatsira zvakanyanya kuti veruzhinji vawane kodzero yehutano.

Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, vati hazvikwanisiki kuti zvipatara zvehurumende zvirape vanhu vese pachena sezvo izvi zvichizokonzera kusavapo kwezvekurapisa zvakakwana.

Dr Manangazira vatiwo Zimbabwe ine zvipingaidzo zvakawanda munyaya dzehutano izvo vati zviri kuvhiringa vakawanda munyika, zvikuru vanoshaya.

Dr Manangazira vakurudzirawo kuti Zimbabwe isarambe yakatarisira rubatsiro kuti isimudzire hutano munyika, asi kuti nyika izvisimudzire nekukoshesha nyaya dzehutano.

Zuva reutano gore rino rakacherechedzwa pasi pedingindira rekuti, “Universal Health Coverage: Everyone, Everywhere.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG