Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kusiyana neZvinodhaka


Monica Mutsvangwa, Deputy Chair, SADC Parliament,
Monica Mutsvangwa, Deputy Chair, SADC Parliament,

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reInternational Day Against Drug Abuse, paine kuchema chema kuti dambudziko iri riri kuvhiringa vechidiki vakawanda.

Vachitaura muHarare, mutevedzeri wemukuru anoona nezvekurapwa kwezvirwere zvepfungwa pamwe nekudzivirira kushandiswa kwezvinodhaka, Amai Dorcas Sithole, vati zvikamu makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana zvevechidiki vari kushandisa zvinodhaka.

Amai Sithole vatiwo pane avo vari kuita dambudziko rechirwere chepfungwa, zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana zviri kukonzerwa nekushandisa zvinodhaka izvi.

Amai Sithole vati kiunyange hazvo nyika yakatarisana nedambudziko guru iri, kushaikwa kwenzvimbo dzehurumende dzekuti vanoda kurega zvinodhaka vaporere vari kuri kuwedzera kuipa kwedambudziko iri.

Mutevedzeri wemutungamiri weSADC Parliamentary Forum, uye vari nhengo yedare re Senate, Amai Monica Mutsvangwa, vati kuoma kwehupenyu ndiko kuri kukonzera vechidiki kuti vashandise zvinodhaka zvakanyanya.

Amai Mutsvangwa vakurudzira vechidiki kuti varege zvekukanganisa hutano hwavo nekufurirwa kumwa nekuputa zvinodhaka.

Mumwe wevari kuedza kusiya zvinodhaka mushure memakore gumi nemashanu vachizvishandisa, VaRaymond Kanyemba, vati zvinoramba zvichivadzorera shure inhamo pamwe nekufungisisa zvakanyanya pamusoro pehupenyu hwavo.

VaKanyemba vati kushaya basa ivo vakadya mabhuku zvinovashaisa zororo mupfungwa.

Mumwe musikana wechidiki aimboshandisa zvinodhaka akazosiya mushure mekuwana dzidziso, Muzvare Tendai Chaora, vatiwo vechidiki vazhinji vanoshandisa zvinodhaka zvisingabvumidzwi sezvo zviri kuwanikwa nemari shoma.

Mukuru weZimbabwe Civil Liberties and Drug Network, rimwe remasangano akazvimiririra riri kubatsira kunyurura veruzhinji kubva kuzvinodhaka, VaWilson Box, vati ongororo yavakaita inoratidza kuti vazhinji vari kutengesazvinodhakwa izvi havasi kusungwa asi vashandisi ndivo vanozobatwa nemapurisa.

Pamusoro pezvinhu zvinodhaka zvaita sembanje neCocaine, zvinonzi Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekusashandiswa zvakanaka kwemishonga nemapiritsi anofanirwa kuve achirapa. Mimwe yemushonga iyi inosanganisira mushonga wechikosoro weBroncholeer, mushonga wekunyaradza marwadzo wePethadine pamwe nemorphine nemimwewo.

Sangano re United Nations Office on Drugs and Crime rinoti vanhu vanosvika zviuru zana zvine makumi mapfumbamwe vanofa gore rega rega nekushandisa zvinodhaka pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG