Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanorangarira Kufa kwaJesu Kristo


EASTER 2
EASTER 2

Vatenderi vechikirisitu vacherechedza zuva rekufa kwaJesu Kristo nhasi pamwe nekurangarira nyaya dzekumanikidzwa kwevanhu pamwe nehutongi husina kururama pasi rose.

Mumwe wevacherechedza zuva ranhasi vakaungana nevamwe ndiVaClifford Chikuya veSalvation Army.

VaChikuya vati zuva ranhasi rakakoshera mutendi wese nekuda kwekuti kufa kwaJesu Kristo kwakaita kuti vakwanise kunzi vana vaMwari uye kurarama kwavo kuchikonzerwa neropa raJesu.

VaChikuya vati kunyange vasina kuungana sezvavanotarisira nevamwe
nekuda kwechirwere cheCovid-19, vati zvakanaka kuti vanhu
vazvichengetedze kwete kungomirira kuchengetedzwa naMwari ivo vasina
zvavari kuita mukuzvichengetedza.

Mumwe mutendi weAnglican Church, Amai Yusitina Goredema, vati zuva
ranhasi vanorirangarira sezuva ravakafirwa neJesu.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati zuva ranhasi riri kupembererwa nevanhu vakawanda vari mudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Asi vati hazvishamise nekuti paseka (Passover) yekutanga yakaitwa mudzimba apo vana veIsrael vakazviita vasati vabuda kubva muhutapwa kuEgypt.

Reverend Mtata vati zuva ranhasi rakakoshawo nekuda kwekuti kufa kwaJesu kunobatanidza vanhu kuti vawirirane uye kubatanidza vanhu naMwari.

Vatiwo kana vanhu vachirangarira zuva iri vanofanirwa kurangarira nyaya dzekumanikidzwa, kufa kusina tsarukano uye nyaya yehutongi husina kunaka munyika dzakawanda.

Kunyange hazvo vamwe vatendi vaenda kukereke nhasi mangwanani
nemasikati vakawanda vavo vachaenda manheru sezvo vachiti vanenge
vorangarira kufa kwaJesu nguva dzemasikati dza3pm.

Mumashoko avo ezororo reEaster, mutungamiri weMDC Alliance uye vari mufundisi, VaNelson Chamisa, vati nguva ino ngaive nguva yekuwana tariro pakufa nekumuka kwaJesu, uye kuti nyika irambe iri mumaoko aMwari.

VaChamisa vati vanhu vanofanirwa kuremekedza rudo, kuwirirana,
kunzwirana tsitsi, kusaitirana hutsinye, kusashungurudzana, kusarovana
uye kusashorana.

Vati vanhu vanofanirwa kubatana kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Vachinyorawo padandemutande ravo reTwitter mumiriri weNorton
muparamende, VaTemba Mliswa, vakurudzira vanhu kuti vachengetedze mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vachiti nzendo dzive shoma sezvo chirwere cheCovid-19 chisiri pazororo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakakomekedza svondo rino kuti mitemo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 itevedzerwe, vadzidzi vezvikoro zve boarding vakanzi vagare muzvikoro zvavanodzidza, uye vakakurudzira vanhu kuti vagare mudzimba dzavo senzira yekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG