Accessibility links

Breaking News

Nhumwa yeUnited Nations Yokurudzirwa Kutaura Pamusoro peMhirizhonga Iri Kuitika Munyika


Alena Douhan

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti hadzisi kunzwisisa kuti sei nhumwa yeUnited Nations, Amai Elena Douhan, vasina zvavari kutaura pamusoro penhirizhonga dziri kuitika pamisangano yeMDC Alliance.

Misangano iri kuitwa nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, iri kuvhiringidzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Pane mumwe musangano kuManicaland, pakaridzwa pfuti uye motikari dzaifamba navachamisa dzikatemwa nematombo, izvo zvakaitika mazuva mashoma mushure nekutemwa kwemotikari dzaVaChamisa kwaCharumbira, kuMasvingo.

Amai Douhan vari muZimbabwe mavari kuongorora nyaya dzezvirango nekodzero dzevanhu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti Amai Douhan havana zvavakafambira, zvikurusei kana takatarisa kuti vakaitwa zvekukokwa uye vachibvazve kuBelarus, nyika ine hurumende inowirirana zvikuru naVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG