Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chirwere Chakafanana neCovid-19 Chinonzi Chatangidza Kubata Vana


Gavhuna vedunhu reNew York, VaAndrew Cuomo

Vanachiremba vanoti chimwezve chirwere chavanoti chakaita se Covid-19 asi chakanangana nevana, chave kunetsa mumatunhu mazhinji muAmerica neku United Kingdom.

Matunhu gumi nemashanu muAmerica anoti arikuongorora chirwere ichi, icho chiri kubata vana asi chisati chazivikanwa zvakakwana, vachiti chirwere ichi chakaita se coronavirus.

Gavhuna vedunhu reNew York, VaAndrew Cuomo, vanoti vezvehutano mudunhu reNew York vawana vana vanopfuura zana vanechirwere ichi, icho chinonzi chakafanana nechimwezve chirwere chinonzi Kawasaki Desease.

Vati magavhuna ematunhu gumi nemashanu muAmerica vave kuongororavo chirwere ichi mumatunhu avo.

VaCuomo vati avo vane vana vakamboenda padyo nemunhu ane Covid-19 masvondo apfuura, vanofanirwa kuziva kuti iyi iyambiro uye vanofanirwa kuenda nemwana kuna vanachiremba nekukurumidza.

Vana vatatu vane makore mashanu, makore manomwe neumwe ane makore gumi nemasere vatofa nechirwere ichi mudunhu reNew York.

Vachipa humbowo mberi kweparamende ye America nemusi weChipiri, chiremba vanoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa, Dr Anthony Fauci, vakayambira hurumende nemagavhuna mu America kuti vangwarire chirwere chave kutanga kuonekwa muvana, vachiti chirwere ichi chinoratidza sekuti chine hukama necoronavirus.

Vanachiremba kuUnited Kingdom ndivo vanonzi vakatanga kuona chirwere ichi, vachichifananidza nechirwere chinonzi Kawasaki Disease, chirwere chakaipisisa kuvana vanenge vambobatwa nezvimwe zvirwere.

Tabvunza nyanzvi mune zvehutano, Doctor Frenk Guni, kuti varondedzere pamusoro pechirwere ichi chanangana nevana vadiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG