Accessibility links

Breaking News

Vana Mukoti Voenderera Mberi Vachiramwa Basa


Vana mukoti vanoda kuti hurumende inzwe zvichemo zvavo
Vana mukoti vanoda kuti hurumende inzwe zvichemo zvavo

Vana mukoti vashoma shoma ndovadzokera kumabasa kuzvipatara zvehurumende zvaita seParirenyatwa Hospital, asi sangano ravana mukoti reZimbabwe Nurses Association, ZINA, rinoti nhengo dzaro dzichiri kuramwa mabasa sezvo pasina kuwirirana kuripo nehurumende

Pashanyirwa chipatara cheParirenyatwa panguva dzemasikati dzekuona varwere, mamwe mawadhi anga ainana mukoti mumwe kana vaviri asi kumwe kusina zvachose.

Kunosvikira varwere kwanga kusinawo vana mukoti zvachose.

Vamwe amai vane mwana akaita tsaona asi vakaramba kudomwa nezita vati muwadhi manga muine mwana wavo manga mave nana mukoti vaviri vakati zviri nani chose zvichienzaniswa nemazuva apfuura uko vaiwana muwadhi umu musina kana mukoti.

Amai ava vanoti vaive vatozvitsvakira mukoti.

Amai Evermore Makumbe vari kurwarirwawo vati muwadhi B1 neB2 kuParirenyatwa kwanga kuchingova nanamukoti vaviri chete.

Amai Makumbe vati zvakakosha kuti nyaya yana mukoti igadziriswe kuitira kuti vadzoke kumabasa kunobatsira varwere.

Mumwe mukoti,Muzvare Evermay Chikoka, audza Studio7 kuti hurumende ngaitarise zvichemo zvaana mukoti izvigadzirise.

Muzvare Chikoka vatiwo kunyange hurumende ikatora vana mukoti vanga vari pamudyandigere vanenge vari vashoma zvakanyanya.

Munyori musangano reZINA, VaEnoch Dongo, vaudza Studio7 parunhare kuti nhengo dzavo hadzina kudzokera kubasa, uye havasisina mabasa acho sezvo vakadzingwa nehurumende.

VaDongo vati zvenhaurirano nehurumende zvakona uye vakatoenda kumatare edzimhosva vachiti hurumende yakadzinga nhengo dzavo zvisiri pamutemo.

VaDongo varambawo kuti kune kupatsanuka muZINA vachiti chinyorwa chabva kudunhu reBulawayo vachibvuma kudzokera kubasa change chaitwa nekusanzwisisana asi vakati izvi vazvigadzirisa.

ZINA inoti ine nhengo dzinosvika zviuru gumi nezvitanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG