Accessibility links

Breaking News

Varwere Voburitswa Muzvipatara Sezvo Musina Vashandi


Doctor's Strike Zimbabwe
Doctor's Strike Zimbabwe

Chipatara chikuru chemuChinhoyi chavhara mawadhi akawanda nekuda kwekushomeka kwavana mukoti avo vari kuramwa mabasa nyika yose.

Mukuru wechipatara ichi, VaCollet Mawire, vanoti vakamanikidzwa kuvhara mawadhi evarume nemadzimai evanorwara, medical ward, pamwe nemawadhi evarume nemadzimai evanorwara nezvinoonekwa, surgical ward nekuda kwekuramwa mabasa kwana mukoti vanosvika mazana matatu.

VaMawire vanoti varwere vose vakaiswa muwadhi yemadzimai ari kutarisira kusununguka sedanho rekuti varapwe nanamukoti vashoma varipo.

VaMawire vanoti kunyange zvinhu zvisina kumira zvakanaka pachipatara vanoti havasati vafirwa nevanhu zvine chekuita nekuramwa basa kwana mukoti.

Vamwe varwere vakaburitswa muchipatara vari kushora danho ravana mukoti rekuramwa mabasa vachisiya vanhu vachirwara muchipatara.

Mumwe murwere asina kuda kudomwa nezita anoti vana mukoti havafanirwe kukoshesa mari kudarika hupenyu hwevanhu.

VaGilbert Tsomondo avo vanobva kuMhangura vatora baba vavo vaburitswa muchipatara vasina kunyatsopora.

VaTshomomndo vanoti hurumende navana mukoti vanofanirwa kuwirirana nekuti varwere vasina mhosva ndivo vanofa.

VaMawire vanoti pari zvino havana huwandu hwavana mukoti vari kudzidzira basa vari kuyamura muwadhi yakasanganiswa varwere.

Varwere vakawanda vari kuburitswa vasina kupora vari kudzokera kumba uko vanoti vanogona kufa sezvo vasina mari yekuenda kunorapwa nanachiremba vakazvimirira.

Vana mukoti vakatanga kukanda mapadza avo pasi nezuro vachiti hurumende yakavanyepera kuti ichagadzirisa zvinhu, asi iyo pasina chayiri kuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG