Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Nurses Association Yomirira Kunzwa kuNhengo Dzayo Pamusoro peMihoro


Vanamukoti pamwe nevamwe vashandi vehurumende vanoti vari kuda kutambiriswa mihoro inovararamisa, kwete mari yavari kutambira pari nhasi.
Vanamukoti pamwe nevamwe vashandi vehurumende vanoti vari kuda kutambiriswa mihoro inovararamisa, kwete mari yavari kutambira pari nhasi.

Sangano rinomirira vanamukoti reZimbabwe Nurses Association, rinoti richamirira kunzwa kubva kunhengo dzaro pamusoro pemari yekubatsirikana yakapiwa vashandi nehurumende, pamwewo nehurukuro dzemihoro pakati pehurumende nevashandi vayo, idzo dzinonzi dzichiri kuenderera mberi.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa pakati pevashandi vehurumende nehurumende neChitatu, apo hurumende yakazivisa kuti yapa vashandi vayo zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemari dzemihoro yavo mumwedzi uno waChikunguru kuitira kuti vabatsirikane vakamirira kuona zvichabuda muhurukuro dziri kuitwa.

Munyori mukuru wesangano ravanamukoti iri, VaEnock Dongo, vanoti vashandi havana kupiwa mukana wekuramba kana kutambira mari idzi, sezvo dzakangoiswa mumabhanga avo kutanga kwesvondo rino.

Asi VaDongo vanoti sezviri kungoitwawo nevamwe vashandi vehurumende vese, nhengo dzavo dzakarambawo kutambira madhora makumi mapfumbamwe nemanomwe akanga aiswa patafura nehurumende, vachiti vanoda kuti mari dzavo dzifambirane nemamirira ezvinhu pari zvino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG