Accessibility links

Breaking News

Vakoti Vanoramba Kuti Vakatambira Mari Dziri Kupiwa neHurumende


Vakoti vachiratidzira kuChinhoyi. Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuti mihoroyavo ienderane nemari dzavaitambiora muna Gumiguru 2018.
Vakoti vachiratidzira kuChinhoyi. Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuti mihoroyavo ienderane nemari dzavaitambiora muna Gumiguru 2018.

Sangano rinomirira vakoti, reZimbabwe Nurses Association, ZINA, raramba mashoko ari kuti nhengo dzaro dzakatambira zvikamu makumi mana kubva muzana zvemari dzemihoro zvakaziviswa nehurumende svondo rino richiti harina kumbobvira raita musangano nehurumende wekuzeya nezvemari idzi.

Mutungamiri weZINA, VaEnock Dongo, vanoti havana kumbobvira vagara pasi nehurumende vachipirwa nezvemari idzi kana kuzeya nezvadzo, uye havatozivi kuti zvikamu zviri kutaurwa nezvazvo zvinenge zviri zvikamu zvemihoro yavo yakasangana nemari dzekubatsirika here kana kuti kwete.

VaDongo varambawo zvakare mashoko ekuti vakoti vakawanda vadzokera kumabasa, vachiti vagara vachienda kumabasa asi vachishanda mazuva maviri pasvondo avakawirirana nemushandirwi sezvo vasina mari dzekufambisa mazuva ose.

Vanoti vashandi vari kunzi vadzokera kumabasa kana kuti vari kuonekwa kumabasa kwavo vazhinji vacho vanogona kunge vakadzokera sezvo vakoti vari kutyisidzirwa.

Vanoti vakatoenda kumatare vachipikisa nyaya yekumanikidzwa kudzokera kumabasa iyi uye ichapinda mudare neChishanu.

Bepanhau reHerald razivisa kuti vakoti vagamuchira zvikamu makumi mana kubva muzana zviri kuwedzerwa kuvashandi vose vehurumende kutanga mwedzi uno, kunyange hazvo vari kuti hazvisvitsi mihoro yavo pavanotarisira chaipo.

Mamwe masangano evashandi vehurumende anosanganisira evarairidzi akatobuda pachena kare achiramba zvikamu zvakaziviswa nehurumende izvi achiti zvishoma.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mihoro yavo idzokere pamadhora mazana mashanu nemakumi maviri emari yekuAmerica, iyo vaitambira muna Gumiguru 2018.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi VaDongo vanoti mashoko ekuti vakatambira zvikamu izvi akanangana nekupesanisa vashandi vehurumende.

Vanoti mari dzemihoro dzavanotambira chete imari dzinenge dzawiriranwa kumusangano weNational Joint Negotiating Council, NJNC, kwete dzinotaurwa mumapepanhau.

Vamiriri vevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende vari kutarisirwa kusangana zvakare kumusangano weNational Joint neChishanu uye hurumende yatokoka vashandi kumusangano uyu.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG