Sangano ravanamukoti reZimbabwe Nurses Association rinoti nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa zuva nezuva pamwe nemari dzekuripira michovha, nhengo dzaro dzasvikawo pachinhanho chekuti hadzichakwanise kuramba dzichienda kumabasa.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vanoti vakatozivisa hurumende kuti vanamukoti vave kuremerwa zvekuti havachakwanisa kuramba vachienda kumabasa.
VaDongo vanoti kunyange hazvo vanamukoti vakawedzerwa mihoro yavo svondo rapera nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, mitengo yezvinhu yatokwira zvakanyanya ivo vasati vatotambira mihoro mitsva yacho iyoyo.
Vanoti pari zvino vanamukoti vakatowirirana nehurumende kuti vange vachishanda mazuva matatu chete pasvondo, asi vachiwedzera maawa avanoshanda kuitira kuti vakwanise kushanda maawa akatarwa nehurumende.
VaDongo varambawo mashoko ekuti vanamukoti kuzvipatara zvekuBulawayo pamwe nekuParirenyatwa muHarare vakatotanga kuramwa mabasa.
Facebook Forum