Accessibility links

Breaking News

Vana Vachangoberekwa Vana Vanofa Muchipatara Chikuru muChinhoyi


Vana vana vakafa husiku humwe chete neChina izvo zvinonzi hazvisimboitika nguva dzakawanda kana vanamukoti vari pabasa.

Mumwe mushandi ari kuziva zviri kuitika pachipatara ichi anoti ichokwadi kuti vana ava vakafa nezuro manheru vachangosunungukwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revakuru vakuru pachipatara ichi.

Amai Chenai Chihwiti vanoti baba vavo, VaLangton Chihwiti, vakafa mushure mekurambirwa kurapwa nemusiwe Chitatu apo vakaenda navo muchipatara chemuChinhoyi vachibva kuHarare.

Amai Matilda Chimbi vekuBanket avo vanga vachitora mutumbi wemukoma wavo akafa nezuro mushure mekushaya rubatsiro, vanoti mukoma wavo anga avashevedza kuchipatara uko vakasvikomuona afa.

Amai Chimbe vanoti vanhu vakawanda vari kufa vangadai vachirarama dai vachirapwa nenguva.

Vana mukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vapinda muzuva reshanu vachiramwa mabasa munyika yose vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro.

Hurumende yakati yadzinga vana mukoti vose vari kuramwa mabasa vachiti vachiri kuda basa vanofanirwa kunyorera kutsvaka basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG