Accessibility links

Breaking News

NSSA Inovhura Muzinda Unochengeta Pamwe neKurapa Vashandi Vayo Vane Chirwere cheCovid-19


NASSA MIN MAVHIMA 3
NASSA MIN MAVHIMA 3

Kambani yehurumende inoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu vari pamudyandigere yeNational Social Security Authority kana kuti, NSSA, yavhura nhasi muzinda wekuchengetedza nekurapa vashandi vayo nevari pamudyandigere vanenga vabatwa neCovid-19.

Mumashoko avo pakuvhurwa kweNSSA Covid-19 Isolation Centre nekiriniki iyi muHarare, mukuru weNSSA,VaArthur Manase, vati denda reCovid-19 richiri kunetsa munyika izvo zvapa kuti vaite pfungwa dzekuchengetedza hutano hwevashandi pamwe nevanenge vave pamudyandigere.

Vati vari pamudyandigere vanogaro chema chema kuti mari dzavanopihwa neNSSA ishoma vakati kiniriki iyi nedzimwe dzavachavhura kune mamwe matunhu dzicharerutsa mararamiro avo.

Gurukota rinoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavhima, vati zvaitwa neNSSA zvinoenderana nedonzvo rebazi ravo uye vati vanofara kuti kunze kwekurapa vane denda reCovid-19, vari pamudyandigere vane zvimwe zvirwere zvinogara zviripo zvakaita seshuga vanenge vave kurapwa panzvimbo iyi.

VaManase vati NSSA, iyo inobatasirawo vanenge vakuvara pamabasa pamwe nemhuri dzavo, inokwanisa kuramba ichiita basa rayo kana vashandi vayo vaine hutano hwakanaka.

Vati kubvira pakatanga denda reCovid-19 pane vashandi makumi mana nevana vakabatwa nedenda iri mumwe chete akashaya pavashandi veNSSA mazana mapfumbamwe munyika yese.

VaFriel Shephard avo vari pamudyandigere, vati vafara chose vachiti izvi hazvisati zvamboitika kubvira pakatanga NSSA.

Vamwewo vari pamudyandigere, Amai Ellen Chinomona, vaudza Studio 7 kuti zvinofadza kuti vari pamudyandigere vave nepekurapwa kana vachinge varwara.

Kuvhurwa kweIsolation Centre nekiriniki iyi kwaitwa apo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kutarisirwa kukwira munyika.

Nezuro pane vanhu makumi matanhatu nemumwe chete vakabatwa neCovid-19, vashanu vakafa nedenda iri.

Vasere vevanhuvakabatwa neCovid-19 nezuro vanhu vakabva kuBotswana.

Kusvika nezuro pane vanhu zviuru makumi matatu nezvipfumbamwe makumi mapfumbamwe nevaviri (39 092 vabatwa neCovid-19, uye vanhu zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana matanhatu nemakumi masere 36 680 vakapora kubva kuchirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava chiuru nemazana matanhatu nevashanu (1605).

Nezuro wekare, pane vanhu churu nemazana mapfumbabwe nemakumi maviri nevaviri 1922 vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzvivirira Covid-19 izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga hwava zviuru mazana matanhatu nemakumi masere nezvina nezana nemakumi matanhatu nevana, 684 164.

Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, 10 million, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, 60%, zvevanhu vari munyika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG