Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rocherechedza Kusvitsa Gore kweChirwere cheCovid-19


Chinhoyi Covid-19 Vaccine
Chinhoyi Covid-19 Vaccine

Nhasi pasi rose riri kucherechedza kusvika kwegore kubva sangano reWorld Health Organisation, W-H-O, ratara chirwere cheCovid-19 kuti rakanga rave denda repasi rose, kana kuti global pandemic.

Izvi zvakapa kuti nyika dzepasi rose dziite chirwirangwe kubatana mukurwisana nedenda iri, uye zvakakonzerawo kuti nyika dzose dzitore matanho akakodzera ekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19.

Zimbabwe yakatorawo matanho ekurambidza kufambafamba kwevanhu pamwe nekumbovhara miganho mushure mekunge denda iri rapinda munyika muna Kurume 2020.

Izvi zvakashandurawo mararamiro evanhu vakawanda pamwe nekushandura mamiriro ehupfumi hwenyika dzakawanda.

Pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu vakarasikirwa nehupenyu nekuda kwechirwere cheCovid-19.

MuZimbabwe, vanhu vanosvika chiuru nemazana mana ane makumi masere nevapfumbamwe vakashaya nekuda kweCovid-19.

Kunyange hazvo pave nemishonga yekudzivirira denda iri, zvinhu zvakashanduka zvakadii uye zvii zvinofanirwa kuramba zvichiteverwa?

Imwe nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa zvehutano paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti kunyange hazvo gore rose rapera iri raive rakaomera pasi rose, vanhu vanofanirwa kutarisa vachiona kuti zvii zvavakadzidza munguva yose iyi, uye kuti zvingazoshandiswa sei mumatambudziko akadai anogona kunyuka zvakare mune remangwana. Ngatinzweyi Dr Nyashanu vachitaura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG