Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari Votaridzira muNorton


Norton Demos
Norton Demos

Vamwe vagari vemuNorton varatidzira neMuvhuro vachiti havasi kufara nehuori huri kuitwa nemamwe makanzura emudhorobha ravo.

Vagari vanosvika mazana mashanu varatidzira vachifamba mumisha inogara veruzhinji vachishoropodza danho rekanzuru rekuda kutengera mukuru wekanzuru motokari yamari inosvika zviuru makumi manomwe nezvitatu zvemadhora asi kanzuru isina motokari inotakura varwere.

Sachigaro weNorton Residents Trust, Amai Liziwe Museredza, vati vagari vatora danho iri mushure mekunge kanzuru yatadza kugadzirisa imba inochengeterwa vafi kwemakore gumi nemashanu uye kutadza kutenga motokari inotakura varwere.

Mumwe mugari wemuNortorn, Amai Jesca Chirenje, vati havasi kufara nekanzuru nedanho rekubhadharisa vanhu vanotengesa zvinhu mudzimba dzavo vachiti uku kutsvaga uta nemugate.

Amai Museredza vati kana kanzuru ikasateerera zvavari kuda rwendo rwuno vachatora danho rekusabhadhara mari dzemvura nedzimwe dzinobhadharwa kukanzuru.

Vachitaura pamahofisi ekanzuru mumusha unogara veruzhinji weKatanga muNorton, mumiriri weNorton muparamende, VaTemba Mliswa, vati makanzura ebato reMDC-T mapfumbamwe ari kuita huori zvakangofanana nemakanzura eZanu PF.

Asi mutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vati manyepo ari kutaurwa naVaMliswa ekuti makanzura avo ane huori.

VaGutu vati hurumende ndiyo ine huori nekudaro inomanikidza makanzura avo kuita zvisiri pamutemo kuburikidza nevashandi vekanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG