Masangano akazvimirira aramba uye kushoropodza mashoko asachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, ekuti ari kubhadhara vanhu kuti vaende kunonyoresa kuvhota pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa muna Kurume pamwe nedzichaitwa nyika yose muna 2023.
Amai Chigumba vakati izvi zvakaita kuti vamwe vanhu vanyorese kakawanda kuitira kuti vabhadharwe mari dzakawanda.
Vachitaura nenhepfenyuro yeterevhizheni yeZimbabwe Television Network nemusi weChina muHarare, Amai Chigumba vakati komisheni yavo yakakwanisa kubata chitsotsi ichi kuburikidza nemichina yavo yekunyoresa kuvhota, iyo vanoti inongocherechedza kunyoresa kwemunhu kamwe chete.
Asi mutauriri wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vanoti kana ZEC iine humbowo hwevanhu vakabhadharwa kuti vanyorese kuvhota inofanirwa kuhuburitsa pachena vanhu voona, kwete zvekurova bembera.
Masangano akazvimirira ari kushorawo ZEC nehuwandu hwevanhu vainoti vakanyoresa kuvhota mugore rapera, achiti huwandu uhwu huri pasi zvakanyanyisa zvichienzaniswa nevanhu vaanoziva uye vaakabatsira kunyoresa kuvhota.
Studio 7 yakundikana kubata Amai Chigumba kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.
Asi VaMasaraure vanoti vanoziva zvavo kuti zviri kuitwa neZEC ibasa rekuda kumisa masangano ari kushanda nesimba kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinyorese kuvhota, vachiti sesangano vachatora matanho akakodzera kana vanzwa kubva kunhengo dzavo.
Facebook Forum