Accessibility links

Breaking News

Citizens Coalition for Change Inoti Haichineyi neZita reMDC


Citizens Coalition For Change Nelson Chamisa Presser 5

Bato reCitizens Coalition for Change, kana kuti CCC, rinoti rava bato idzva rakazvimirira risineyi nechose chine chekuita nebato re MDC rakavambwa namuchakabvu VaMorgan Tsvangirai muna 1999.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaOstalss Siziba, vati mashoko
ekuti vabude mubato reMDC zviri pamutemo mashoko asina musoro sezvo
mutemo uri pachena kuti munhu anenge ave nhengo yerimwe bato anobva
atorega kuva nhengo yeMDC.

Izvi zvatsigirwawo nasachigaro weCCC mudunhu reMashonaland West,
VaRalph Magunje, avo vati nhengo dzavo dzakabuda mubato reMDC
nekusapinda mumisangano yebato iri kubva mugore ra2018, kusabhadhara mari yekuva nhengo kwemakore matatu uye kuve nhengo yerimwe bato sezvavakaita.

Asi mutauriri weMDC T, VaWitness Dube, vati vari kuyambira nhengo dzeCCC kuti dzibude mubato ravo zviri pamutemo kwete kuti vazoyeuka bako vanaiwa vave kuvadzinga zvakare muparamende nemumakanzura kana vakakunda.

VaDube vati bato ravo rine ruzivo rwakadzama pamusoro pezvinotaura
mutemo webato nokudaro nhengo dziri kuzviti ndedze CCC
dzisazochema mune ramangwana nekuda kwenharo dzadzo.

Nyaya yekuvhomorana pazvigaro yakatanga apo bato reMDC T rakadzinga
nhengo dzeMDC Alliance muparamende nemakanzura richiti inhengo dzaro dzakanga dzasiya gwara remusangano.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG