Accessibility links

Breaking News

Sangano Idzva Rotarisirwa Kuremekedza Vashandi veHutano neMibairo


Coronavirus, Zimbabwe
Coronavirus, Zimbabwe

Pane sangano idzva rakaumbwa rinoti richange richipa mibairo kuvanhu vakashanda zvinonwisa mvura munyaya dzehutano senzira yekukurudzira vashandi ava kuti varambe vachiita basa rinobatsira vanhu munyika munguva dzehurwere.

Sangano reZimbabwe Medical Awards Trust rinoti riri kuparura hurongwa hwaro kekutanga mwedzi unouya muHarare apo richacherechedza mabasa akanaka ari kuitwa nevanhu vanoshanda munyaya dzehutano munyika

Sachigaro veZimbabwe Medical Awards Trust, Dr Josephat Chiripanyanga, vati gore rino vachatanga nekuremekedza nyanzvi dzehutano idzo dzakatanga kuita basa iri munyika.

Dr Chiripanyanga vatiwo vamwe vachapihwa ruremekedzo urwu, vanhu vakafa apo vaishanda vachibatsira varwere munguva yeCovid-19, uye sangano ravo richange richibatsira vana vakafirwa nevabereki ava kuburikidza nekuvabhadharira mari dzechikoro.

Vati hurongwa hwesangano ravo huchatanga kutsviriridza gore rinouya apo richashanda nemasangano akasiyana siyana anomirira vanachiremba vanorapa mitezo yakasiyana siyana ayo achazvisarudzira nhengo dzawo dzaanofunga kuti ndidzo dzinokodzera kuremekedzwa nekupihwa mibayiro iyi.

Dr Chiripanyanga vati vakaona zvakakodzera kuti varemekedze nyanzvi dzehutano sezvinoitwawo nemamwe masangano anocherechedzawo nyanzvi dzemumabasa akasiyana siyana gore roga roga.

Nhengo dziri mukomiti yesangano iri dzinosanganisira mutevedzeri wasachigaro, Dr Steven Karim; munyori mukuru, Amai Princess Mercy Mushaninga; mubati wehomwe, Va Absom Chitsva; murongi wemisangano, Amai Rose Moyo, pamwe naAmai Spiwe Mandipa, avo vanoshanda samukoti.

Amai Mushaninga vati chirongwa ichi, icho vachaparura musi wa 4 Zvita, chiri kutambirwa zvine mutsindo zvokuti pachave nevanhu vakawanda apo vachaungana muHarare mwedzi unouya.

Dr Chiripanyanga vati vamwe vevanhu vakakokwa kumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga; mutevedzeri wavo, Dr John Mangwiro; vakuru vakuru vanoshanda mubazi rehutano, uye masangano anomirira vashandi vezvehutano munyika ayo anosanganisira Zimbabwe Medical Association, Zimbabwe Doctors for Human Rights nemamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG