Accessibility links

Breaking News

Sangano Idzva reConstitutional Law Center Rinoparurwa muZimbabwe


Alex Magaisa, Zimbabwe constitutional lawyer, Ph.D

Mukucherechedza kusvitsa makore masere uku, masangano matanhatu anoti; ZimRights, Justice for Children, Center for Applied Legal Research, Women’s Institute Leadership Development , WeLead pamwe neZimbabwe Human Rights NGO Forum, aparura sangano reConstitutional Law Center.

Masangano akazvimirira aumba sangano idzva apo acherechedza neMugovera kusvitsa makore masere kubva pakatambirwa bumbiro remitemo yenyika rakabva muvanhu zvichitevera kutambirwa kwaro pareferendamu yakaitwa muna 2013.

Mukucherechedza kusvitsa makore masere uku, masangano matanhatu anoti; Zimbabwe Human Rights Association, Justice for Children, Center for Applied Legal Research, Women’s Institute Leadership Development , WeLead pamwe neZimbabwe Human Rights NGO Forum, aparura chirongwa chekuremekedza bumbiro remitemo chichange chichikokerwa nesangano reConstitutional Law Center, CLC.

Gweta rine mukurumbira munyika, Doctor Alex Magaisa, ndivo vachange vachitungamira sangano idzva iri.

Kuparurwa kwechirongwa ichi kwaitwa negweta rine mukurumbira, Amai Beatrice Mtetwa, avo vakurudzirawo kuti masangano aya aisewo zvirongwa zvekudzidzisa vematare pamwe nemakomisheni akazvimirira ari mubumbiro remitemo yenyika nyaya yekutevedzera zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Prominent human rights lawyer Beatrice Mtetwa
Prominent human rights lawyer Beatrice Mtetwa

Vachitaura mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi, mukuru weZimRights, VaDzikamai Bere, vati CLC ine donzvo rekuvaka tsika yekuremekedzwa kwebumbiro remitemo yenyika vakati izvi zvichaitwa kuburikidza nehunyanzvi hwemasangano abatana aya.

Dzikamai Bere
Dzikamai Bere

VaBere vatiwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kuziva kuti mumwe nemumwe ane basa rekuchengetedza bumbiro remitemo yenyika vakati izvi zvinogoneka chete kana munhu wese ave neruzivo rwebumbiro remitemo yenyika.

Masangano aya anotiwo CLC ichavewo nechinangwa chekuenda kumatare ichimirira veruzhinji mukutsvaka nzwisiso yezvinoreva bumbiro remitemo yenyika kana pachinge paita kupokana.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Dr Musa Kika, vatiwo kukwidzwa kwenyaya dzine chekuita nebumbiro remitemo yenyika kumatare kunobatsira kuti paitwe tsananguro yezvinofanirwa kuitwa pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Mumwe wevapinda musangano wekuparurwa kwechirongwa cheCLC, uyo waitirwa padandemutande nepamusana pekutyira chirwere cheCovid-19, VaJosh Masasa, vakurudzira masangano aya kuti apewo dzidziso kumaruwa vachiti munhu wese akawana ruzivo rwekuti nyika inofanirwa kutongwa sei, zvinobatsira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaMagaisa vatiwo CLC ichange ichiitawo tsvakiridzo munyaya dzemutemo pamwe nekukurudzira kuti mapoka akasiyana-siyana ehurumende aremekedze pamwe nekuteerera zvinodiwa nemitemo yenyika.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo kuti tinzwe maonero avo nechirongwa chitsva ichi chaparurwa.

CLC yaparurwa panguva iyo munyika muine gakava guru zvichitevera kupasiswa kwemutemo weConstitutional Amendment Act Number 2 uyo wakapa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vawedzere makore epabasa emukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba.

Asi dare repamusoro rakati zvakaitwa izvi hazvisi pamutemo sezvo zvichityora bumbiro remitemo yenyika, rikabva ramanikidza VaMalaba kuenda pamudyandigere.

Asi hurumende iri kupikisa mutongo uyu mudare repamusoro soro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG