Accessibility links

Breaking News

Sachigaro Mutsva weMISA, VaGolden Maunganidze, Vanoti Sangano Ravo Riri Kuvandudza Mashandiro Aro


Sachigaro weSouthern Africa (MISA) Regional Governing Council, VaGolden Maunganidze

Zvichitevera kusarudzwa kwevatungamiri vatsva vanofambisa zvinhu mumubatanidzwa wemasangano ose eMedia Institute of Southern Africa (MISA), kana kuti MISA Regional Governing Council, vakasarudzwa kuve sachigaro wekanzuru iyi, VaGolden Maunganidze, vanoti ivo nechikwata chavo chevatungamiri vatsva vakatotanga kuvandudza mashandiro anoita sangano iri.

VaMaunganidze vaudza Studio 7 kuti vari kuvandudza mafambisirwo anoitwa kutapwa kwenhau nemafambisirwo anoitwa mashoko munharaunda yekuchamhembe kwe Africa.

Vanoti ivo nechikwata chevatungamiri vatsva vesangano iri vakamirira kunzwa kubva kumutungamiri weEswatini, VaMswati, pamusoro pevatori venhau vemunyika iyi vakamanikidzwa kupotera kuSouth Africa mushure mekupomerwa mhosva yekunyora zvinoshora VaMswati.

VaMaunganidze vanoti vanofara kuti Angola iri kuratidza chishuvo chekudzoka musangano iri, izvo vanoti vari kukurudzira nesimba.

VaMaunganidze vanoti zvinangwa zvesangano reMISA ikozvino zvasiyana nezvinangwa zvaidiwa nevakuru vesangano iri vakabva pazvigaro svondo rapera.

VaMaunganidze vanoti vanoda kushanda, kukurudzira uye kuona kuti vatori venhau vanoshanda vakazvimirira vakachengetedzwa uye vanowana rubatsiro rwakakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG