Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanotoresa Mhiko Makurukota Matsva.


Mumiriri weMakonde muparamende, VaKindness Paradza, ndemumwe wemakurukota atoreswa mhiko nemutungamiri wenyika VaMnangagwa.
Mumiriri weMakonde muparamende, VaKindness Paradza, ndemumwe wemakurukota atoreswa mhiko nemutungamiri wenyika VaMnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vatoresa mhiko vamwe vemakurukota pamwe nevatevedzeri vemakurukota ehurumende vavakadoma kuti vazadzise zvgaro zvakasara zvisina vanhu mushure mekushaya pamwe nekusiya basa kwevaimbove vakabata zvigaro izvi.

Vatoreswa mhiko muchiitiko ichi, icho chaitirwa kumuzinda weState House, vanoti VaTapiwa Felix Mhona, avo vagadzwa segurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Amai Nokuthula Matsikinyere, segurukota redunhu reManicaland, Amai Ruth Mavhunga Maboyi semutevedzeri wegurukota rezvemukati menyika pamwe naVaKindness Paradza, avo vagadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

Vakadomwa segurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava havana kukwanisa kunge vari pavanhu vatoreswa mhiko ava sezvo vanzi vachiri kuno kuAmerica uko vari kushanda semumiriri weZimbabwe kuUnited Nations.

VaMhona vatora chigaro chakasiiwa naVaJoel Biggie Matiza, avo vakashaya mwedzi wapera, kuchitiwo Amai Matsikinyere vachitora chigaro chakasiiwa naAmai Ellen Gwaradzimba, avo vakashayawo zvakare mwedzi wapera.

VaParadza vatora chigaro chakasiiwa nevaimbove mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, avo vakadzingwa basa gore rapera.

VaParadza vanoti vanotambira nemufaro kudomwa kwavo kuti vave mutevedzeri wegurukota vachitariswa kuwanda kwakaita nhengo dzeparamende, vachiti vanotenda zvikuru mutungamiri wenyika VaMnangagwa nekuvacherechedza.

Vanoti chinofadza ndechekuti dunhu ravo reMakonde ranga risina gurukota rehurumende kubva pakave gurukota VaAriston Chambati muna 1995.

Vaparadza vanotiwo vakazvipira kushanda negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vachiti vatotanga kushanda vachitarisa mamiriro akaita mapoka ezvekuburitswa kwemashoko ari pasi pebazi ravo, anosanganisira ZBC, NEW ZIANA, TransMedia neBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, ayo vanoti haana vakuru vakabata zvigaro, kana kuti chief executive officers.

Panyaya yekudyidzana kwavo nevatori venhau, VaParadza vanoti chiri kunyanya kuvafadza ndechekuti vagara vachishanda nevatori venhau ava, saka vachashanda zvakasimba mukuona kuti mashandiroavo akanaka.

"Iye zvino tiri kugadzira mutemo, nekuti takarasa chimutemo chiya chainzi chainzi AIPPA, takachirasa, takaisa Freedom of Information Act, tikaisa Zimbabwe Media Commission Act.Iye zvino takauya ne Bill rinonzi Media Practitioners Bill. Bhiri iroro ndorichange rine zvekuita zvevatori venhau," vanodaro VaParadza.

Hurukuro naVaKindenss Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG