Accessibility links

Breaking News

Meya Mutsva weHarare Okurudzira Hurumende Kugadzirisa Nyaya yeMvura


Meya veHarare, VaHerbert Gomba

Zvichitevera kufa kwevanhu nechirwere che ‘cholera’ muguta reHarare, meya mutsva weguta iri, VaHerbert Gomba, vari kukurudzira vachangodomwa segurukota rekurima nemvura, VaPerence Shiri, kuti vashande vose mukugadzirisa dambudziko remvura muguta.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaShiri panyaya iyi.

Asi VaGomba vanotiwo vachagara pasi vachitaurirana nevanotengesa mumigwagwa kuitira kuti muguta mugare makachena.

Vanotivo nhamo yawanda muZimbabwe nokudaro hazvina musoro kuti mapurisa aswere achitandanisa vanotengesa mumigwagwa, asi vanoti kanzura inofanirwa kugara navo pasi vachitaurirana zvinofanira nezvisingafanirwi kuitwa.

“Ini ndiri kuuya nemuvono wakasiyana nezvange zvichiitika. Ini ndiri kuti vanotengesera mumigwagwa havachabatirwi mboma vachirohwa - vanokurukurwa navo,” VaGomba vaudza Studio7.

Meya Gomba vanoti vari muhurukuro nevane zvitoro zvisisiri kushandiswa muguta kuitira kuti varegere vanotengesera mumigwagwa kuti vashandise nzvimbo idzi kuitira kuti vanotengesera mumigwagwa vaite vashoma muguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG